Uncategorized

Chii nemi nhai baba vaErica?

13 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

BABA vaErica makadii zvenyu? Handikuzivei, asi ndinoziva kuti mune mwanasikana wechidiki, ane makore anenge ari pakati pe15 ne16. Ndinozivawo zvakare kuti muri chidhakwa. Ndinozivawo zvakare kuti hamufunge zvakawanda nezvekuchengetedza mwanasikana wenyu Erica.

Baba vaErica, ndakasangana naErica nezuro manheru. Kunze kwakanga kwati nzvaa-a uye vanhu vakanga vatobatidza magetsi mudzimba kuti vaone, uye isu vanofamba nemota takanga tatobatidzawo mwenje yemota kuti tione mugwagwa zvakanaka.

Saka nguva dzakanga dzafamba zvekusvika kuma6 dzovavarira kunotambidza 7 chimuti.

Baba vaErica, ndakasangana naErica muchitoro – musupermarket. Akanga achitenga doro. Erica airatidza kanenge kakusafara nekakutya. Pandakamutaudza, ndakaona kuti ndakabva ndanyanya kumuomesera.

Ndakati kuna Erica, “Mhoro musikana.” Asi haana kundipindura. Akanditarisa kumeso zvekutsvaga kuti baba ava vari kudei kwandiri, uye ndinovaziva here. Mushure mekarunyararo, ndakabva ndati, “Wafunga zvekumbonodhakwa neSuper manheru ano nhai?”

Apa Erica akanzwa kuti ndakanga ndamubikisa sadza nemoto wemapepa. Akabva ati, “Handinwe doro ini.”

Izwi rake rakanga richidedera kunge mbudzi iye iri kuchema rufu rwayo pamabiko akaungana vanhu vane nzara vari kutarisira zvinyenze.

Ndakamunzwira tsitsi, asi ndaida kunzwisisa kuti doro raakanga achibhadhara patill raive raani. Ndakabva ndati, “Saka kana usinganwe doro, ko rawakabata iri nderani?”

Ndakaona kakunyevenuka zvishoma pachiso chaErica. Akabva ati, “Ndatotumwawo nababa kuti ndizovatengera doro.”

Ndakarwadziwa zvikuru nemashoko emwanasikana. Baba chaivo vanoda mwanasikana wavo vangamutume husiku kuti aende kunotenga doro? Hazvina kana kundiitira mushe.

Ndakakushatirirwai baba vaErica. Hamunzwisise kuchengetedza nekuremekedza mwanasikana wenyu. Munochipisa mwana wenyu, uye munomusaidzira mhumi nemapere zvinofamba zvichirwerwa rute mumigwagwa yeHarare zvichitsvaga tumhembwe netwumhuru twekuny’udza mazino ajaira kudeura ropa nekuchapfanya nyama.

Baba vaErica, doro hariite kutuma mwana kuti anotenga. Rinomakisa nekuti rinotaurira nyika kuti Erica hamumunyare. Iye Erica paanenge achifamba akabata doro, muri kumudzikisira nekuti haanwe doro, asi anopedzisira oita seanonwa. Asi zvisiri izvozvo zvega mudhara, kana mukati Erica aende kunokutengerai doro manheru, munoita kuti adenhwe nekutaudzwa nevanhurume.

Mashoko avanomuudza haana kunaka, uye anotanga kumusasika muhurukuro dzisingaite.

Asi nhai mudhara, baba vaErica, kuda kwenyu doro kwanyanya kukosha kudarika mwanasikana here? Imi mudhara munozviziva wani kuti husiku hauna maziso – husiku hune mbavha nevaroyi. Ko madirei kudaro?

Kana naivo vechitoro ndakavagumbukira nekuti vakatengesera Erica doro. Mutemo unoti doro haritengeserwe vana.

Mudhara, usati watuma mwana wako, tanga wambotaurawo naye unzwe kuti anonzwa sei kuenda kunotenga doro. Doro rakasiyana nekutenga chingwa mudhara. Doro harina dignity, harina chimiro nyangwe ukada kurinwira mugirazi harirege kukudhaka nekukusiya wafanana nembwa inopinimidzwa nemuswe, panzvimbo yekuti iyo ipinimidze muswe.

Chete ungazoti ndiri kuwanza kutaura pamusoro pemwana asiri wangu. Pamwe Erica akatoita zvakanaka nekuti dai akaramba kunotenga doro, pamwe ungadai wakamurova, ukazorova amai vake uchiti ndivo vari kufurira Erica kuti asateerere.

Bhaibheri rinoti, “Doro munyengeri, waini mupopoti.”

Mudhara, funga pamusoro pemashoko angu. Kana ukagara watadza kuremekedza mwanasikana wako, kana akazoroorwa nechimwewo chimupfanha chidhakwa haufe wakamumiririra nekuti munenge masangana atezvara nemukuwasha zvidhakwa!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey