China yorapa varwere muZim pachena

04 Jul, 2022 - 09:07 0 Views
China yorapa varwere muZim pachena Dr Zhu Wei vachibatsira murwere

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIKWATA chevarapi vanobva kunyika yeChina, cheChina Medical Team in Zimbabwe, chobatsira veruzhinji nekuvarapa pachena.

Varwere vari kubatsirwa pakiriniki yechikwata ichi iri paParirenyatwa Group of Hospitals muHarare pasi pechirongwa cheChina-Africa Economic & Culture Exchange and Research Centre.

Vari kurapwa panzvimbo iyi vanosanganisira zvizvarwa zvemuZimbabwe, zvizvarwa zvekuChina zviri muno nevamwe vanobva kumhiri kwemakungwa.

Kwayedza svondo rino yashanyira muzinda uyu ikasvikowana paine gurumwandira revanhu vanoda kubatsirwa uye ndokuita hurukuro nevamwe vavo.

“Ndinofara zvikuru nerubatsiro rwandiri kuwaniswa pano. Ini ndange ndava nemakore 15 ndichienda kunorapwa muzvipatara zvemuno nekuSouth Africa asi dambudziko remakumbo angu raisapedzwa.

“Ndakazonzwa nezvekiriniki ino ndichibva ndauya kuzoitwa ‘acupunture’ inova nzira yekurapwa uchibairirwa tsono dzinosvika kana 30 panzvimbo dzakasiyana dzemuviri dzinenge dziine marwadzo. Saka ndiri kubairiwa mutsoka uye ndiri kuona shanduko huru.

“Kubairirwa kwetsono uku hakurwadzi uye hapana ropa rinobuda sezvo kuripo bedzi pakuvhura tsinga dzinofambisa ropa kuti dziite basa nemazvo. Ndinozvifarira nekuti zvose izvi zvinoitwa pasina kushandiswa kwemishonga iye yatingati inokonzera humwe hurwere nekufamba kwenguva,” vanodaro VaJames Murango.

VaTonderai Simango avo vanoshandisa midonzvo pakufamba vanoti vakabatsirwa padambudziko remusana.

“Musana wangu wange wave nemakore anodarika gumi ndisingatokwanisi kana kugara, asi pandakauya kuchirongwa che’acupuncture’ ndakayamurika zvikuru. Ndava kukwanisa kugara, kufamba nekutoita mamwe mabasa epamba,” vanodaro.

Kuchitiwo Mai Maria Siziba vanoti vaive nedambudziko reruwoko urwo rwainge rwava kuoma tsinga ndokubatsirwawo.

Mai Maria Siziba

“Ruwoko rwangu rweruboshwe rwakangotanga kurwadza zvisinganzwisisike ndikaenda kuchipatara asi ndaingonyorerwa mapiritsi emarwadzo nekubaiwa majekiseni pasina shanduko. Pandakazonzwawo neshamwari dzangu kuti kune vanhu verudzi rwechiChina vari kubatsira vanhu pachena, ndakabva ndauya. Pekutanga, ndaitya ndichifunga kuti pamwe tsono dzacho dzinorwadza asi ndakazodzidza kuti hadzina marwadzo uye dzinotobatsira kuti ropa rifambe zvakanaka.

“Ruwoko rwangu rwunoiswa tsono gumi nembiri dzogaramo kwemaminitsi 20 kusvika 30 vozobvisa. Saka ndiri kuona shanduko, ndava kugona kufambisa zvigunwe zvangu pasina dambudziko nekuita mamwe mabasa angu.

“Kava kechitatu ndichiitwa izvi uye ndinozoregedza kana zvichinge zvanyatsopera,” vanodaro.

Dr Zhu Wei vanova mukuru weChina Medical Team vanoti pazuva vanobatsira vanhu vanodarika mazana matatu.

“Kiriniki yedu tinoivhura neMuvhuro wega-wega asi kana vanhu vachinge vanyanya kuwanda, tinovhura mamwe mazuva seChitatu.

“Mukurapa kwedu tinoshandisa tsono kuvhura tsinga dzinenge dzakavharika dzichitadzisa ropa kufamba nemitezo yose yemuviri. Tinobatsira zvekare kunyangwe vana vanorwara,” vanodaro.

Kunze kwekurapa, vanoti vanofundisa zvekare veruzhinji mutambo unodaidzwa kuti “Ba Duan Jin” uyo une mukurumbira kuChina uye unonzi unobatsira mukusimbisa muviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey