Coronavirus yorova varimi vemabanana

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Coronavirus yorova  varimi vemabanana Coronavirus

Kwayedza

Rumbidzai Zinyuke
KAMBANI inoona nezvekutengeswa kwezvirimwa, yeBrands Fresh inoti paita kudzikira kwakanyanya pamari yainowana mukati memwedzi mitanhatu yekutanga yegore rino zvichitevera kusatengwa kuri kuitwa mabanana panguva yekunge veruzhinji vagere kudzimba nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Kambani iyi yakadzikisa huwandu hwemabanana ainotengesa kubva pamatani 40 svondo rimwechete kuenda pamatani ari pasi pegumi.

Brands Fresh inotengesa mabanana munyika yose.

Kambani iyi inonyanya kutenga mabanana kuvarimi vekuHonde Valley uko kunobva chikamu che75 percent kuchiti mamwe achibva kuvarimi vekuMutorashanga, Middle Sabi nekuKariba.

VaEdward Madewekunze, avo vanova murimisi kuBrands Fresh vanoti Covid-19 yakanganisa basa rekambani yavo nerevarimi zvikuru.

“Chirwere ichi chatidzosera kumashure zvakanyanya uye munhu wose akanganiswa nacho. MunaKurume, takadzikisa huwandu hwemabanana atinotenga kuvarimi kubva pamatani 40 kuenda pamatani 10.

“Asi iye zvino tave mumwaka wechando, mabanana atiri kutenga tadzikisa zvakare kuenda pamatani mashanu pasvondo dzimwe nguva. Musika wedu wemaMutare unowanzotora matani maviri pasvondo, asi iye zvino tiri kuendesa pakati pe500kgs netani rimwe chete pasvondo,” vanodaro.

Musika wemabanana unonzi wakanganiswawo nekudzikira kuri kuita mitengo yechirimwa ichi sezvo vatengi vasina mari pari zvino.VaMadewekunze vanoti mwedzi waKurume usati wasvika, vaitenga mabanana kubva kuvarimi ne$6,30 pakg asi iye zvino mitengo yadzika kuenda pa$4 pakg.

VaEnock Madzinga, avo vanorimira vari kwaMandeya, vanoti vakasvika pakutengesa mamwe mabanana avo nemutengo wakadzikira zvikuru kuvanhu vemunharaunda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey