DETEMBA TINZWE: INI ZVANGU MBUDZI

22 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

naJordan Chikosi
Yangu nhamo ihuru
Yandakapara ndinoishaiwa
Kuti ndicheme haanzi haiwaa kutungana kwembudzi
Hapana kana anokendenga.

Iwo munyama wangu pasvika muenzi hanzi batai mbudzi.
Paita mutambo ndouraiwa ini,
Pane kuti ndifarewo sevamwe.
Panosungirwa mukadzi hanzi endesai mbudzi.

Vapara mhosva dzavo
Hanzi ngakuripwe nembudzi.
Panoripwa ngozi hanzi nembudzi pamusoro
Panorohwa guva hanzi ndive mhutsashunga
Hinga makandiwanikidza.

Vamwe vanondikama mukaka
Ko wangu mwana orarama nei?
Dehwe rangu moita nhekwe
Mhoko wave mufudze
Aiwa hinga makadiimbura.

Jordan Chikosi anodzidza muForm 3 paKezim College, kuWaterfalls, muHarare.

MAONERO:
Ndinofara zvikuru kana vanyori vechidiki vachishandisa mutauro vasingazvimbunyikidze. Nhetembo iyi yandinakidza zvikuru nekuda kwekuti izwi rembudzi ranyatsobata nekuburitsa shungu nezvichemo nenzira inoratidza kuti nyanduri ari kuziva zvaari kutaura, uye akagara pasi akacherechedza nekuona zvinoitika kumbudzi. Uku ndiko kunyora kwakanaka kunoratidza kuti pakaitwa tsvakiridzo.

Ndima yekutanga yatangwa zvinodenha. Kugunun’una nekudunura kwembudzi kwanyatsoburitswa nemitsara miviri yekutanga. Chekutanga mbudzi iri kuti nhamo yayo ihuru, asi pamusoro pazvo, iri kushaya kuti yakatadza chii.

Manyorero akadai anoita kuti vaverengi vanzwe tsitsi. Tinobva tanzwa kutamba kwanyanduri nechirevo chekuti kutungana kwembudzi.

“Kuti ndicheme haanzi haiwaa kutungana kwembudzi.” Uku ndiko kushandisa mutauro kunoratidza hunyanzvi nekuti nyanduri haana kungoshandisa chirevo ichi sezvatinochiziva mazuva ese.

Uye abva apedzisa nekushandisa mutauro unoburitsa kushayirwa hanya kwembudzi achiti, “Hapana kana anokendenga.”

Kana zvikanzi handikendenge, unobva wanyatsoziva kuti munhu haana kana shungu.
Kuratidza kuti mbudzi iri kuchema-chema nezvinhu zvisvinhu, mundima yechipiri tinonzwa kudonongodza kunoita mbudzi zvinhu zvinoitwa nevanhu kwairi.

Kubva pakuita usavi hwevaenzi, kuita nyama yemitambo nekushandiswa pamasungiro. Unobva wanyatsoona kuti nyanduri anonzwisisa maitirwo etsika nechivanhu chemasungiro.

Izvi zvinopfuurira mberi mundima yechitatu paanotaura zvekushandiswa kwembudzi mumatare semuripo kana paine vapara mhosva. Zvimwe chete nekuripwa kwezvimwewo zvakaita sengozi, kurova guva – mbudzi iri kutarisa zvayo yobva yapedzisa nekuudza vanhu kuoma kwakaita payakamira ichiti, “Hinga makandiwanikidza.”

Ndima yekupedzisira mbudzi tinoinzwa ichienderera mberi nekuchema-chema kuti haisi nyaya yekuripiswa mhosva nezvimwe chet, asi kuti vanhu vanoikama mukaka vachipedzera mwana wayo. Kana yafa vakadya nyama, vobva vatora dehwe voshandisa, uye nhoko voita manyowa.

Ikoko kwekupedzisira nyanduri wedu ndiko kwaazongokanganisa kunyora zviperengo zviviri, asi handingati zvakanganisa nhetembo yake zvikuru. Uyewo nhekwe hadzigadzirwe nenyanga dzembudzi here?

Zvisinei, ini ndafarira kunyora kwaJordan kunonyatsoburitsa nhuna dzembudzi nemutauro wakanaka kunge mukaka.

. [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey