‘Dzokai tisimudzire Uzumba’

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

VEMABHIZIMISI nevamwe vagari vemunharaunda vanokurudzirwa kuti vapote vachibatsira mukusimudzira matunhu avanobva, zvikuru munyaya yedzidzo.

Mashoko aya akataurwa naMambo Nyajina, VaDouglas Nyajina (62), vekuUzumba kuMashonaland East, nguva pfupi yadarika pagungano raive paNegande Primary School apo paive paunzwa masaga anosvika 600 esimende yekuvakisa chikoro chesekondari.

Vanoti mudunhu ravo mune vanamuzvinhabhizimisi nevamwe vakawanda vane mabasa epamusoro, avo vamwe vacho vasingadzoke kumusha kuzobatsira mukusimudzira budiriro yeko.

“Ndinoti kuvana vakabva kuno vanoshanda mabasa akasiyana nanamuzvinhabhizimisi, hakuna imwe nzvimbo yavanobva kunze kwekuno kuUzumba. Vangava kuAmerica kana kupi zvako, ngavabatsirewo kusimudzira dunhu ravo,” vakadaro.

“Tine zvikoro zvakawanda zvinoda kuvakwa patsva nezvimwe zvinoda kuvandudzwa,” vanodaro.

“Makireshi chaiwo kuno vana vanotambura asi vamwe vanobva muno vaine mikana yekuvaka nzvimbo dzakadai. Ini samambo wekuno, ndinoti vana ava ngavadzoke kumusha tizoshanda tose tibatsirane kusimudzira dunhu redu.

“Vanoda kutaura neni vakasununguka kundibata panhamba dzinoti 0782 203 018 tokurukura pamusoro pebudiriro yedunhu redu,” vanodaro Mambo Nyajina.

Mashoko avo anotsinhirwa nakanzura wewadhi yeMasiyandima, kuUzumba ikoko, Mai Modester Kanodeweta (59), avo vanoti veruzhinji vanofanirwa kuyeuka kwavakabva.

“Saka muchinzwa vakuru vachiti ziva kwawakabva (mudzimu weshiri uri mudendere). Kumusha ndiko kune rukuvhute rwako, saka kunoda kusimudzirwa. Kunyange ukaunza mbatya chaidzo, tine vana nherera kuno vanoda zvipfeko,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey