Uncategorized

‘Ehe, wakandibata nechikomba . . .’

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Janet Chari—

MUKADZI wekubatikidzwa aine chikomba nemurume wake anoti ari kuona ndondo nekushungurudzwa nekuda kwenyaya iyi, zvisinei kuti akamukumbira ruregerero pazvakaitika.

Mildred Gumbo akaendesa Simon Gumbo kudare reHarare Civil Court achida anoda runyararo naye.

“Akandibata nechikomba akanditi andiregerera asi ari kuramba achingondishusha nekuda kwenyaya iyoyo,” anodaro Mildred.

Anoti chinomushamisa ndechekuti vakatombotaurirana pamusoro penyaya yechikomba iyi, iye akakumbira ruregero, asi murume wake pose paanodzoka kubva kubasa, anosvika achimurova nokuda kwayo.

“Anondibvunza zuva nezuva paanobva kubasa kuti ndakazviitirei. Ndikarega kumupindura bedzi, anobva atanga kundirova zvokuti ndinozopedzisira ndanorara kunze,” anodaro Mildred.

Anoti murume wake anomupopotera pamberi pevana pamwe chete nekumurova zvinova zvave kushaisa vana mufaro pamba kana baba vavo vadzoka kubva kubasa.

“Haasisina ruremekedzo nevana apa ave kuda kutondodzinga pamba,” anodaro Mildred.

Simon anoti haapikisane nechikumbiro chemudzimai wake chekuti apihwe gwaro rerunyararo.

“Pose pandinobva kubasa, ndinosvika kumba vana vari voga. Iye anozodzoka pakati pehusiku zvinova zvinondipa hasha kuti anenge ari kupi,” anodaro.

Anoti pose paanobata runhare rwemukadzi wake, anoona mashoko emurume waanoita zvechipfambi naye zvinoreva kuti haana kusiya mabasa ake akashata.

“Ngaende kumba kwake andisiye ndichiri mupenyu nekuti chikomba chake chave kutondityisidzira kuti chinoda kundiuraya,” anodaro Simon.

Mutongi Manase Musiiwa akapa Mildred gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey