Fodya yotanga  kutengeswa 

06 Apr, 2021 - 16:04 0 Views
Fodya yotanga   kutengeswa  VaHaritatos

Kwayedza

Muchaneta Chimuka 

MUTEVEDZERI wegurukota rezveminda, kurima, hove, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa – VaVangelis Haritatos – vanoti vari kugutsikana negadziriro yaitwa yekudzivirira kutapuriranwa kwechirwere cheCovid-19 kumisika inotengeswa fodya iyo iri kuvhurwa neChitatu chino.

Mwaka wekutengeswa kwefodya uri kutarisirwa kuvhurwa nhasi apo chirimwa chinotengeswa pasi pemakondirakiti chichazotanga kutengeswa nemusi wa8 Kubvumbi.

“Pakumema kwatakaita misika inotengeserwa fodya seZimbabwe Leaf Tobacco, Tobacco Sales Floor neTianZe, takaona kuti gadziriro dzasvika kwamvura yacheka makumbo uye  mitemo yose yakatarwa nesangano reWorld Health Organisation (WHO) yakatevedzwa zviri maringe nekurwisa chirwere cheCovid-19.

“Vemisika inotengeswa fodya vakatizivisa kuti vari kukurudzira vashandi vavo kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira chirwere ichi uye varimi havasi kuzotenderwa kupinda mukati memumisika vakawanda kuitira kuti chirwere ichi chisatapuriranwe kana kupararira,” vanodaro VaHaritatos mushure mekumema misika iyi svondo rapera.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinofara zvikuru nezvandaona kumisika yedu yefodya, tinovimba varimi vachatengesa fodya yavo zvakanaka vachibatsirawo mukutevedza mitemo yakatarwa.”

Pamisuwo yose yemisika inotengeserwa fodya pakaiswa michina inofirita varimi nevamwe vanopinda mumisika iyi nemushonga unouraya hutachiona (sanitization booths). Varimi havasi kuzobvumidzwa kupinda mumisika iyi nehuwandu sezvo murimi bedzi anenge achitengesa fodya ari iye ane mvumo yekusvika pamusika otengesa achibva adzokera zuva rimwe chetero apo mari yake inozosara ichitumirwa kubhangi.

Gwaro rakaburitswa nesangano rinomirira varimi, reZimbabwe Tobacco Association, rinoti goho refodya mwaka uno rakati derereri zvisinei nekuti varimi vakawanda vachange vaine fodya ine hunaku hwemhando yepamusoro. Kuderera kwefodya uku kunonzi kwakakonzerwa nekuwanda kwemvura yekunaya mwaka uno.

Chirimwa chefodya ndicho chiri pamberi mukuunza mari yekunze munyika uye varimi vakawanda vari kupunduka nekuda kwacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey