Uncategorized

Gudo rakavharisa chikoro . . . ‘Rinoda maticha echikadzi’

07 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Gudo rakavharisa chikoro . . . ‘Rinoda maticha echikadzi’

Kwayedza

Pamela Shumba
VARAIRIDZI vepaSiyangaya Primary School, kuTsholotsho, svondo rapera vanonzi vakatiza pachikoro ichi vachiti pane gudo riri kupinda navo pabonde husiku nenzira dzisinganzwisisike.

Mukuru wezvedzidzo kudunhu iri anotsinhira mashura aya.

Vamwe vadzidzisi vepachikoro ichi vanoti varairidzi vechidzimai vanofuma vasina zvipfeko zvemukati kana kuti vaine zviratidzo zvekuti vanenge vashinhwa navo husiku.

“Mumwe wevadzidzisi ava akati akamuka nguva dzave kuda kuenda pakati pehusiku musi wa10 Chikunguru ndokuona murume waasingazive aive nehoromba regudo mumba maaive akarara. Akaridza mhere apo murume uyu negudo rake zvakabva zvanyangarika nepachidziro chemba,” akadaro.

Mumwe mugari wenzvimbo iyi, VaSamson Ncube (70), vanoti vamwe vadzidzisi vepachikoro ichi pavakanzwa ruzha rwemukadzi uyu, vakamhanyira kumba kwake ndokuudzwa zvakange zvaitika. Vanonzi vakazokumbira kuita musangano nevakuru vedunhu iri.

VaNcube vanoti musangano uyu wakaitwa musi wa11 Chikumi uye varairidzi ava vakabva vati hazvaiita kuti varare pachikoro apa zvakare.

“Vakati vari kushinhwa navo negudo. Vose vakati vanotya kuzvitaura nekuti havazive chokwadi chaicho chiri kuitika,” vakadaro.

Vamwe vagari vemunzvimbo iyi vanoti vana vanosvika 429 vakatomiswa zvidzidzo nekuda kwekuti mukuru wechikoro ichi, VaMandlenkosi Maqeda, nevamwe varairidzi vaviri vechidzimai ndivo voga vakasara varipo, vamwe vose vatiza.

Vanoti vadzidzisi gumi vechidzimai vakatotiza gudo iri, iro rinofungidzirwa kuti chikwambo, rakange richivashungurudza kwemwedzi wose.

Pakashanyira vatori venhau chikoro ichi svondo rapera, pakange pasina aripo – zvose vana nevarairidzi.

VaMaqeda pamwe nevamwe varairidzi vaviri vanonzi vakange vasara vari pachikoro ichi vakanzi vainge vaenda kumusangano waive pane chimwe chikoro chiri pedyo.

Mukuru wezvedzidzo kuTsholotsho, VaKelvin Mathe, vakati nyaya iyi ichiri kuongororwa.

“Takanzwa nyaya yakadai kubva kuchikoro ichi, yegudo rinonzi riri kunetsa uye tichiri kuita ongororo,” vakadaro.

Vamwe vagari vemunzvimbo iyi vanoti gudo iri rave nenguva inokwana mwedzi richionekwa pachikoro.

Sadunhu Qhelile Mkwananzi vanoti gudo iri rinotyisidzira vana nevadzidzisi vechidzimai, avo vakatanga nekuona matsimba asinganzwisisike.

Vanoti rimwe zuva mumwe mudzidzisi akaona gudo iri riri panze pekirasi yaanodzidzisa asi paakamhanya kunoshevedza vamwe, rakabva ranyangarika.

“Taifunga kuti hapana nyaya iripo kusvikira vadzidzisi vechikadzi vatanga kuti riri kushinha navo husiku,” vakadaro.

Sadunhu ava vanoti vachiri kutsvaga nzira dzekupedza dambudziko iri. Mumwe mugari wemunharaunda, VaMelitha Dube, vanoti nyaya iyi inotyisa uye yakonzera kusagadzikana.

Zvisinei, vanoti pachikoro apa panofanira kuitwa minamato pachifanotsvagwa kuti dambudziko iri ropedzwa sei.

VaVuzimuzi Sibanda vanotiwo vakashamiswa kuona matsimba egudo vachiti ivo vave nemakore 72 okuberekwa asi havasati vamboona makudo mudunhu ravo.

“Nharaunda yose iri kushaya zano rekuti zvoitwa sei, manenji kwatiri. Zvinosuwisa kunzwa kuti vamwe vadzidzisi vakasarudza kutiza vana avo vasiri kudzidza,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>