Havachadya rinopisa vachifurufushwa nekatsi

19 Dec, 2022 - 11:12 0 Views
Havachadya rinopisa vachifurufushwa nekatsi Mai Nyarai Chirume

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAMWE vagari vemumusha weSouthlea Park, muguta reHarare, vanoti vashaiswa mufaro nekatsi dzeimwe mhuri yeko idzo dzinonzi dzinodada kusvika 20 dzavanoti dzinopinda mudzimba dzavo dzichivavhundutsira nekuvaruma.

Katsi idzi dzinonzizve dzikapinda mumba dzinorara pamibhedha nekubata huku dzichidya. Vanotaura vanoti dzinofamba dziri muzvikwata zvekatsi shanu kusvika kugumi panguva imwe chete.

Dzinonzi zvakare hadzitye vanhu uye dzimwe nguva dzinototandanisa vanhu, kunyanya kana vari vana. Mhuri iri kupomerwa kupfuya katsi ndeyekwaChirume yepanhamba 3984 kuMagetsi.

VaMichael Chirume (50) nemudzimai wavo, Mai Mai Nyarai Chirume (39), vanoti mashoko ekuti katsi dzavo dzashungurudza ruzhinji munzvimbo yavanogara vanoanzwa.

VaMichael Chirume

“Mashoko ekuti vanhu vanetswa nekatsi dzangu tinoanzwa. Ndinonzwa vamwe vachiti dzakawandisa zvekusvika 20, vamwe vachiti i38 kana kudarika.

“Mudzimai wangu akatombovingwa nemumwe mukadzi zvichinzi katsi dzedu dzaiva dzadya huku dzavo dzikaberekera kumba kwavo. Zvakawanda zvinotaurwa nekuda kwekatsi dzedu asi chokwadi ndechekuti tinongova nekatsi ina chete idzo dzinomboberekawo dzichiwanda,” vanodaro VaChirume.

Vanoti sevanhu vari kuvaka imba itsva, nzvimbo yavo ine makonzo akawanda ayo anopinda mumba nekutenderera pachivanze izvo zvakavatuma kuchengeta katsi idzi.

“Tiri kuvaka, midziyo yedu yakaungana mumba inosanganisira masofa, mawodhiropu, makitchen units nezvimwe izvo zvinokwezva makonzo. Anoruma zvinhu saka takaona zvakakodzera kuti titsvage katsi dzinoadya,” vanodaro VaChirume.

Katsi

Vanoti katsi chipfuyo chakangofanana nembwa kwete zvinofungwa nevamwe kuti dzinoshandiswa kuroya.

“Katsi dzangu dzinotenderera mumba medu dzichisangana nehuku dzatinochengeta zvakare. Hongu, dzinombobudawo dzichitsvaga makonzo nemadzvinyu kunze, pamwe dzinosvikawo kudzimba kwavo hatingazive,” vanodaro VaChirume.

Mai Chirume vanotsinhira nyaya yevanhu vanonyunyuta vachiti vari kufurufushwa nekatsi dzavo.

“Nyaya iyi yakazara muno, vanhu vachiti vari kunetswa nekatsi dzedu asi chinoshamisa tinongova nekatsi 4 chete. Panotaurwa zvekatsi dzinodarika 30, hamheno kuti huwandu uhwu vanohuwana kupi.

“Pane mudzimai akafirwa nemwana kukabuda muromo wekuti ndisu tine katsi dzinodya vana,” vanodaro Mai Chirume.

Vanoti vanotenga chikafu chekatsi idzi kwete zvinotaurwa nevamwe zvekuti hadziwane kudya kunokwana.

Mumwe murume akangozviti Baba Kiki wekunzvimbo iyi anoti ichokwadi kuti katsi dzemhuri iyi dzashungurudza vanhu.

“Pamba pedu pano katsi idzi dzakauya dzikaberekera muimba yatisingashandise tikatora vana vacho tikanorasa.

“Kechipiri, dzakauya dzikabereka vana tikazonzwa kunhuhwa vana vacho vafa tikazotarisa tikaona tukatsi twakafa tikanoturasa,” vanodaro Baba Kiki.

Vanoti vakaenda kumhuri iyi asi yakaramba kuti katsi idzi dzaiva dzavo. Vanoti mazuva mashoma akadarika, katsi idzi dzakaberekera mumba mavo zvidharimbo (vana vekatsi) zvishanu vakanozvirasa.

“Katsi dzemhuri iyi dzinoita ruzha zvekuita sekuri kuchema vanhu kana zvidhoma zvekuti raini rose rinovharira. Hamurare neruzha dzichichema nekuita sedzinoimba.

“Kunze kwepamba pangu padzinogara dzichiuya, dzakanodyawo huku kumba kwaMai Susan, imwe ikanorara pamubhedha. Dzimwe mhuri dzinototiza mudzimba katsi idzi dzapinda,” vanodaro Baba Kiki.

Mhuri yepanhamba 3986 inotsinhirawo kuti vaoneswa nhamo nekatsi idzi.

“Madziona here katsi dzacho? Kana musina, dzaenda kusango kunotsvaga madzvinyu nemakonzo kana mbeva nekuti dzinofanirwa kunge dziine nzara,” anodaro mumwe mudzimai.

Mai Evelyn Chikokoti (40) vepanhamba 3992 vanoti vakadyirwa huku dzavo nekatsi idzi vakangonyarara.

“Ndakadyirwa huku nhatu dzechibhoyi nekatsi idzi, handina kunovataurira. Idanga chairo rekatsi zvekuti kana zvidhakwa chaizvo zvinotodzingirirana nadzo husiku vachibva kumabhawa.

“Dzakauya dzikaberekera pano ndikatora saga ndikaisa vana vacho ndikanovarasa kusango. Tinoti katsi hadzifanirwe kuwanda kuita semombe kana huku. Hamheno kuti ikatsi chaidzo here.

“Tinongonzwa kuti katsi dzinoita mabasa ehuroyi,” vanodaro Mai Chikokoti.

Zvichakadai, musi uyu Kwayedza yakaona katsi imwe chete pamusha pemhuri yekwaChirume apo dzimwe nhatu dzinonzi dzaive dzisipo.

Votaura nezvenyaya iyi, VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti katsi dzinogona kushandiswa zvakasiyana.

“Katsi dzinogara nadzo hedu mumisha asi dzinoshevedza zvidhoma. Idzo pachadzo dzinogona kuve zvidhoma,” vanodaro VaKandiyero.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey