‘Hukama neWorld Navi hauparari’

11 Sep, 2015 - 00:09 0 Views
‘Hukama neWorld Navi hauparari’

Kwayedza

SACHIGARO weNorthern Region Soccer League, Willard Manyengavana, anoti hukama hwavo nekambani yeWorld Navi iyo yaivakotsvera mwaka wadarika haumboparara kunyangwe hazvo gore rino yakambomira kuvatsigira.

Manyengavana anoti kubva gore radarika vange vari muhurukuro neWorld Navi kuti idzoke kuzovakotsvera asi hapana chibvumirano chakabuda.

Akataura mashoko aya nguva pfupi yadarika muguta reHarare apo World Navi yakapa Northern Region Division One motokari iyo ichazopihwa mutambi achahwina mubairo weSoccer Star of The Year gore rino.

Kubva pakatanga mitambo yeligi yemuDivision One mwaka uno pange pasina kambani kana sangano range richikotsvera asi Manyengavana anoti pane chibvumirano chichazoona World Navi ichidzoka kuzovatsigira zvakare makore anotevera.

“Takatadza kuwirirana neWorld Navi padiki chete ndosaka isiri kuti kotsvera gore rino asi tine hukama nekudaro ichidzoka kuzotikotsvera zvakare.

“Iye zvino vaita chitsidzo chekupa motokari ichazohwinwa nemutambi achavhoterwa kuita Soccer Star of the year uye ndivo vacharonga mabiko acho gore rino izvo zvinorakidza kuti hukama hwedu huripo uye hwakasimba,” akadaro.

Gore radarika, mutambi weMushowani Stars, Zivanai Mhanda, ndiye akatora mubairo weSoccer Star of the Year uye akawaniswa mukana wekuenda kunoedza mhanza yake kuzvikwata zvekunyika yeJapan zvinokwikwidza muligi reJLeague.

Zvakadaro, chikwata cheNgezi Platinum chiri kunetsa kukunda mumitambo yeNorthen Region mwaka uno sezvo mumitambo 23 yachatamba hachisati chambokundwa.

Ngezi Platinum ndiyo iri pamusoro palog nezvibodzwa 55 kubva mumitambo 23, yakahwina ka16 ikaita mangange ka7.

Svondo radarika, chikwata ichi chakaita mangange 0-0 neBlack Rhinos iyo iri kuifemera mugotsi yakagara pechipiri paLog.

Zvakadaro, svondo rino Ngezi Platinum iri kusangana neYadah Gunners iyo iri pechina paLog.

Black Rhinos, iyo iri kurwira kuti idzoke muPremier Soccer League, ichatatsurana neBlue Swallows mumutambo uyo inofanirwa kuhwina kuti irambe ichirwisana neNgezi Platinum.

Chauya Chipembere, sezita remadunhurirwa reBlack Rhinos, ine zvibodzwa 40 kubva mumitambo 23. Chikwata ichi chakwanisa kuhwina ka10, ndokuita mangange ka10 zvakare asi ndokukundwa katatu.

ZRP Football Club yakagara pechitatu paLog uye ichasanganawo neCargo Carriers.

Batai Munhu, sezita remadunhurirwa reZRP FC, yakaenzana zvibodzwa neBlack Rhinos.

Mitambo

Herentals v Mushowani Stars

Ngezi Platinum v Gunners

Blue Swallows v Black Rhinos

Cargo Carriers v ZRP FC

Karoi United v Seven Flames

Dstv Rangers v Lake Harvest

ZRP Morris v Darwin

Starbill v Blue Jets

DC Academy v Zatex

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey