Uncategorized

Kana baba ‘vafadzwa’ nemukadzi mudiki …Vanorikita mwana newaya nemupinyi…Vomusiya achinogara mumigwagwa

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Kana baba  ‘vafadzwa’  nemukadzi mudiki …Vanorikita mwana newaya nemupinyi…Vomusiya achinogara mumigwagwa Romeo Nyambo achitaridza chigunwe chaanoti chakaremara kuburikidza nekurohwa pamwe nemavanga ari kumakumbo. — Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

Romeo Nyambo achitaridza chigunwe chaanoti chakaremara kuburikidza nekurohwa pamwe nemavanga ari kumakumbo. — Mifananidzo: Memory Mangombe

Romeo Nyambo achitaridza chigunwe chaanoti chakaremara kuburikidza nekurohwa pamwe nemavanga ari kumakumbo. — Mifananidzo: Memory Mangombe

MWANA ane makore 16 okuberekwa wekwaTandi, kwaRusape, ave “chenzira” mumigwagwa yemuHarare nekuda kwekuti anoti anogara achirohwa senyoka yapinda mumba nababa vake nemudzimai wavo mudiki.

Romeo Nyambo, uyo ava kumberereka mumigwagwa yeHarare, anoti akatiza kumusha mumwedzi waKukadzi gore rino achida kutsvaga hanzvadzi yake iyo asina kuzowana.

Anoti baba vake vanonzi Benard Nyambo avo anopomera kuti vaimurova senyoka yapinda mumba nemupinyi wedemo neshamu dzemipangara.

Mwana uyu anoti zvakare airohwa newaya akatosvika pakukuvara munwe. Kana tete vake anoti vaimurova zvekumurova zviya asi pasina chaicho chaaitadza.

“Baba vangu vakaroora mumwe mukadzi wechipiri amai vangu vachiri vapenyu avo vakazofa vachitisiya nababa naamainini. Ndipo pakatangira dambudziko rose. Ndine hanzvadzi yangu namukoma vose vasina kukwanisa kuenda kuchikoro, vakangogumira kupuraimari, ini ndikasvika Grade 6,” anodaro.

Amai vake vainzi Patricia Mukwanda uye anoti vakashaya mugore ra2010 vachisiya hanzvadzi yake Grace Nyambo naTrymore Nyambo naiye.

“Hanzvadzi yangu namukoma vakatiza pamusha sisi ndokuuya kuno kuHarare kwavanonzi vaishanda mumba asi ndakanzwa kuti vakaroorwa. Ndivo vandakanga ndauya kuti vazondichengeta ndikavashaya, mukoma vakaenda kuHeadlands kunoshanda semufudzi wemombe uko ndisiri kuziva pavari.”

Romeo anoti baba vake naamainini mudzimai wavo mudiki, Easther Musa, vaimukutsirana kumurova kana achinge arasa mombe kana kutadza zvimwe zvinhu.

“Amainini vane vana 4 asi vose vanoenda kuchikoro pasina dambudziko. Ini ndakatiza kumusha ndichiita Grade 6, hanzvadzi yangu yakagumirawo Grade 6 uyewo mukoma vakangoita Grade 5,” anodaro Romeo.

Mwana uyu anoti akambotanga achigara naambuya amai vababa vake, Mbuya Grace Musarikwa, apo akazoenda nehanzvadzi yake kupurazi reMap kwaaishanda kuRiverside kwaMutare.

Romeo anotsanangudza achiti: “Ndairohwa nababa zvekuzeza kudzokera kumba. Dzimwe nguva ndairara musango kana ndichinge ndarasa mombe. Rimwe zuva ndakanyeperwa naamainini vakanditi ndaiva ndaitira tsvina mumba, ndikarohwa ndikambofenda.”

Anoti aisapihwa kudya kunokwana apo dzimwe nguva ainyimwa zvachose achinzi chirango chekuita misikanzwa.

“Ndakamborohwa kunge ndichafa ndaenda kunokumbira shuga panext door sezvo ndakanga ndapihwa manhanga nemvura yaidziya chete kuti ndinwe setii. Ndaona zvanyanya, ndakazotiza kuenda kumba kwatete hanzvadzi yababa, Nelia Nyambo, vaigara kumindamirefu yeOlivia uko vakaroorwa.”

Ikoko, Romeo anoti hakuna chakanosanduka sezvo akatanga kurohwa zvakare natete ava vachimupomera mhosva dzakasiyana.

“Tete vaindishandisawo mabasa akaomarara, kusanganisira kutakura mupfudze nekushanda mugadheni. Rimwe zuva mombe dzakapindura pajoki ndikanzi ndini ndaiva ndakonzeresa ndikarohwa nemupinyi wedemo neshamu ndikakuvara zvikuru, chigunwe ichi chikaremara,” anodaro Romeo.

Anoti paakakuvara apa akarambidzwa kuenda kuchipatara akapora ari pamba. Mwana uyu anotizve sezvo aiva atenga foni nemari yaaiva ashanda kumapurazi akazoitengesa $10 iyo akazokwirisa bhazi kuenda kuHarare uko ava kugara mumigwagwa.

“Ndakabva kumusha nemusi wa25 (Kukadzi) February gore rino ndichida kunogara nasisi avo ndakasvikoshaya kusvika ndakazoenda kunhepfenyuro yeStar FM kukashevedzerwa uye ndinotarisira kuvawana.”

Romeo anoti vanin’ina vababa vake vamwe vakafa uye mumwe ari kuSouth Africa.

Anoti akabva kumusha asina kana mbatya.

“Ndakapihwa hembe nemumwe mudzidzisi kuBelvedere Teachers College uyewo pane mumwe muIndia anondipa.

‘‘Kudya ndinonhonga mumabhini pamwe ndichipihwawo mari nevamwe,” anodaro.

Romeo ane makumbo ane mavanga emaronda ekurohwa.

Anoti akamboenda kuna ambuya vake kwaRusape vakamutandanisa.

“Handizive kuti ndichagara mumugwagwa kusvika rinhi nekuti vamwe varimo vanoda kundirova nekundisecha vachida mari. Ndinorara ndakafuga makadhibhokisi padivi pemumwe gadhi mumugwagwa wemuna First Street. Baba vane foni asi handina nhamba dzacho nedzevamwe.”

Romeo anoti anoda kubatsirwa nekutsvaga hanzvadzi yake pamwe nekuti adzokere kuchikoro.

“Ndinoda kudzokera kuchikoro, kwete ndichigara nababa namainini asi kumwe. Izvi zvekugara mumugwagwa handidi nekuti vamwe varimo vari kuda kundimanikidza kuputa mbanje neglue uye vanonditandanisa,” anodaro.

  • (Tiudzei zvamunofunga nenyaya iyi panhare dzinoti 0714200007)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey