Kana baba vagumbuka…Vanorasa chikafu kumarara

31 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati murume wake ane katsika kekutora zvekudya zvevana achinorasira kubindu kana achinge agumbuka.

Evelyn Mugumwa akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arira murume wake Obert Mugumwa achiti ari kumushungurudza.“Baba ava vakauya vakatora hupfu pamwe nezvinwiwa vachinozvikuturira mugadheni, handizivi kuti vakanga vapindwa nemweya wei. Akangobva kumba kwaakanga achigara nemukadzi waari kugara naye akatakura midziyo yose yakanga iri mumba achienda nayo.

“Mwana akavabvunza kuti chii chakange chashata vakati asarudze waakange achida kugara naye. Paakangoti ndinoda mhamha, vakapopota zvisingaperi vakatanga kumutuka zvinyadzi.

‘‘Vakati ndaifanirwa kubva pamba apa nemwana wangu nekuti handitereri. Saka ndinokumbirawo dziviriro,” akadaro Evelyn. Obert akaramba zvose zvaitaurwa achiti nyaya yakatanga apo akange asisashande paakakumbira mukadzi wake kuti vaende kunogara kuChegutu vachiita zvekurima.

“Chikumbiro chavo ngavapihwe havo asi zvavataura hachisi chokwadi. Mukadzi uyu akaramba kuti tiende kunorima kuChegutu, pamusoro pazvo kumusha kwangu akatondiudza kuti haatsikeko.

“Saka ini ndakazotakurana nemidziyo, kutaura kuno iri kumusha kwake.

‘‘Ndiko kwandakaiendesa nekuti ndiko kwaanofarira kuenda. Saka sezvo vasingadi kugara kuChegutu ini nemukadzi wangu mutsva ndiko kwatava kugara,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Evelyn.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey