Uncategorized

Kudzorerwa pakare kweMarriages Bill

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Danai Chirawu
NEMUSI wa18 Gunyana 2019, muchinyorwa chakabuda  mubepanhau reThe Herald chaive nemusoro waiti “Pasvika nyaya yekugadzurudzwa kwemutemo wewanano” takazivisa magadzirirwo emutemo maringe negwaro reMarriages Bill uye zvose zvinodiwa kuti zviitwe gwaro iri risati rapasiswa kuve mutemo.

Zvainge zvakanyorwa muchinyorwa ichi kuti makomiti edare reParamende emaParliamentary Portfolio Committees (PPC’s) aipedzisa kugadzirisa zvavainge vawana achiisa muchinyorwa icho chaizonozeyewa muParamende.

Bill iri rakange richifanirwa kuzonoverengwa zvakare kechipiri negurukota rebazi rezvemutemo nenyaya dzeParamende nekuita zvimwe zvaidiwa.

Pakupera kwechikamu chekutanga che9th Parliament musi wa26 Gunyana 2019, maBill matanhatu ainge atopfuura nguva yavo zvinoreva kuti akange asati apedzwa nezvawo, kupasiswa kana kurambwa neParamende.

Gwaro reMarriages Bill ndiro rimwe remagwaro akange asati apedzwa nezvawo muParamende.

Mwaka weParamende waikozvino wakavhurwa musi wa1 Gumiguru nemutungamiri wenyika apo vakataura pamusoro pemamiriro ezvinhu munyika,  State of Nation Address (SONA) uye nhau yemagwaro akasiyana achada kuzove mitemo yakataurwa nezvayo zvakare.

  1. 1. Chii chinotika kana Bill rikadarika nguva yaro risati rapasiswa?

Pasi pemutemo wemashandiro edare reParamende wemaStanding Orders – matare maviri anoti reNational Assembly neSenate ayo anoumba dare iri – anotenderwa kuvhota nechinangwa chekudzora maBill kana zvimwe zvinhu zvakadarika nguva yazvo zvisati zvapedzwa kuongororwa.

Kuti gwaro reMarriages Bill ridzorwe, Paramende inofanirwa kuvhota kuti ripinzwe mumwaka weParamende waiko zvino kusvika rapedziswa.

  1. Chii chinoitika kana Bill rikasadzorerwa pakare?

Kana dare reParamende rikatadza kuwirirana kuti gwaro ridzorwe, rimwe gwaro idzva rinogona kupinzwa rofamba nenzira chaidzo. Munhau yeMarriages Bill, kana Paramende ikasaita kuti ridzorwe, rinenge rave kudzorwa negurukota rebazi rezvemutemo nenyaya dzeParamende rotangiswa patsva.

  1. 3. Chii chakakoshera kudzorera Bill pakare?

Mitemo yakakosha muraramo yevanhu saka dare reParamende rinosungirwa kuti ripedzise basa rarinenge rasiyira panzira.

Kana iri riri gwaro renyaya dzezveutano, semuyenzaniso, kana rakatopfura nguva yaro Paramende inogona kuridzora ichiziva kukosha kwekuvandudza hutano hwevanhu. Naizvozvo nzira idzi dzinofanirwa kushanda pane mamwe magwaro ese anenge achida kudzorwa kuti azopedziswa.

Mutungamiri wenyika vanonzi vari kushushikana nekuda kwemagwaro mazhinji ayo asiri kupedza kuongororwa zvekusvika pakuzosiirwa panzira asina kupedziswa muParamende.

Zvasarira kuParamende kuti inoda here kana kuti kwete kudzora Marriages Bill.

Tinoramba tichikurudzira zvizvarwa zvemuno kuti zvirambe zvichitsvaga rutsigiro kubva kuvamiriri veParamende kuti gwaro iri rirambe richitariswa.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900/0776736873 kana dzetoll-free 08080131.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey