Uncategorized

Kufunga kusvika wapfungaira

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

ZVAKANZI nemumwe mufundisi wakare aizni Charles Spurgeon, gore harina nguva yakawanda sekuwanda kwakaita zvinhu zvinofungwa nemunhu muzuva rimwe chete. Pfungwa dzinoita zvekudzvamuka kunge nhunzi dziri pachitunha chembwa chave kunhuhwa. Hakuna munhu anokwanisa kuverenga kuwanda kwezvinofungwa nemunhu.

Pfungwa dzinoramba dzichituruka kunge kunze kuri kunaya mavovonde emvura. Ndipo paunonzwa vamwe votura befu! Vamwewo vanobva vati BP.

Saka kufunga ibasa rakakosha handiti? Nekuti ndinombonzwa vamwe vachiti, “Nhingi haafunge!”

Asi ndinofunga kuti pfungwa dzinoda kuchenjererwa nekuti kana dzikapinduka kuve mhandu dzedu vanhu, vazhinji tinopera kuita murakatira.

Asi zvinoenderana nekuti pfungwa dzako dziri pamusoro pei. Nekuti kune dzimwe pfungwa dzisina kana dhiri. Pfungwa dzezviri kumusoro kudenga dzakanaka kunge mvura inomeresa mbeu nehuswa nemiti. Asi pfungwa dzezvakaipa dzinoruma nekuuraya kunge kuruma kwerovambira.

Kufunga hakubhadhariswe, zvinova zvinoita kuti kana hwindi akwanisewo kutsiura vamwe vanhu vakwira kombi. Asi nyangwe zvazvo kufunga kusingabhadhariswe, hazvireve kuti kufunga hakuna satani mukati.

Hakuna munhu akaendeswa kudare nekuti akanga achifunga. Asi mifungo yakaipa neyakaora ndiyo mongo nezvimbi zvezvivi. Mifungo yakaipa chitubu chaSatani, ndiyo zviyo zvinobikiswa Super yezvakaipa. Ndiyo dendere rine mazai ehuipi akamirira kuchochonywa.

Saka sekupisa kunoita moto huswa hwakaoma husingatane kubvira, pamwe chete nematanda munguva yechirimo, Mwari havarege pfungwa dzakaora, dzakaipa, dzine hutsinye dzisina kurangwa. Mwari havazongoperera pakuranga pfungwa dzakaipa chete, asi nehunhu hwese hwezvivi.

Ngapasawana munhu anozvifurira zvake kuti pfungwa dzake hadzizivikanwe naMwari. Mwari vane hwindo rinovaratidza zviri mukati memukati, nekumberi kwekumberi.

Hwindo rinoshandiswa naMwari kuona zviri mumwoyo yedu harivharike kuti ugoti ndave mukati ndega. Mwari vanoona svosve dema riri pasi pedombo dema, murima gobvu renguva yeZhizha! Mwari vanoti, “Ndinoda mwoyo yevana vevanhu.”

Hunhu hwemunhu hauna bako rekuhwanda. Zvese zvakahwanda zvinoitwa nemunhu zvinoonekwa naMwari.

Asi nyangwe zvakadaro, kune vamwe vanoti havakwanise kurega kufunga zvakaora, zvakaipa nezvinotyisa. Asi mubvunzo wavanofanirwa kupindura ndewekuti vanovenga here kufunga zvakaipa kana kuti vanozvifarira? Hatigone kurambidza mbavha kuti dzisadongorere mumba medu nepahwindo, asi kana tikadzivhurira mahwindo nemisuwo todzigashira, tinenge taipa kufanana nadzo.

Hatigone kurambidza shiri kubhururuka nepamusoro pedu. Asika tine simba rekuti dzirege kuvakira matendendere adzo muvhudzi redu. Pfungwa dzakaipa hadzirege kugogodza pamusiwo wemwoyo yedu, asi hatifanirwe kudzivhurira. Nyangwe zvazvo pfungwa dzichiuya mumusoro mako, usadzisiye dzichikutonga.

Zvimwe chete nemunhu aisa musuva wesadza kana chimwe chekudya mukanwa, akaramba achitsenga nekutsenga – zvinoreva kuti ari kunakirwa nezvaari kudya. Zvimwe chetewo nemunhu ari kufunga zvakaipa, akaramba achingofunga zvakaipa asingazvidzore, zvinoreva kuti ari kuzvifarira.

Hozhwa dzinofamba dzichisiya muhwezvwa wechidzihwa, ndizvowo zvinoita pfungwa dzakaipa. Kana ukarera pfungwa dzakaipa semuzvere ari kutamba nekusvusvudzira kacheche kake, pfungwa idzodzo dzinokura kuita gomo. Saka ngatichenjerere kuti pfungwa dzedu dziri kugara dzichifunga zvipi.

Pfungwa dzakanaka muenzi ane maropafadzo, uye anofanira kugashirwa, apihwe zvekudya nekutandarwa naye.

Nesuwo ngatigare mupfungwa dzakanaka nekuti dzinoburitsa hunhu, mashoko nezviito zvakanaka. Dai tikakwanisa kuti saDavid mubhaibheri, “Mundangariro dzangu zhinji mukati mangu, kunyaradza kwenyu kunofadzamweya wangu.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey