Uncategorized

KuMabvuku vakabatsirwa

18 Mar, 2021 - 11:03 0 Views
KuMabvuku vakabatsirwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VAGARI vekuMabvuku neTafara, muguta reHarare, nemusi weChipiri svondo rino vakasara vachinyemwerera mushure mekuwaniswa rubatsiro rwesipo, migomo, mapiritsi ekuchenesa mvura nemagwaro echenjedzo pamusoro pechirwere cheCovid-19.

Rubatsiro urwu rwakabva kusangano reCommunity Water Alliance (CWA) richitsigirwa neUnicef, African Development Bank nekanzuru yeHarare.

Vachitaura pachiitiko ichi, apo mhuri dzinodarika 600 dzaipihwa rubatsiro urwu, VaHardlife Mudzingwa vanova murongi kuCWA vanoti kushaikwa kwezvekushandisa kunogona kuita kuti vanhu vaonekwe sevasina hanya nekudzivirira chirwere ichi asi zvisiri izvo.

“Tapa vagari vemuno migomo, zvigubhu zvekucherera mvura uye mapiritsi ekuchenesa mvura nekuti takaona kuti mvura zhinji ichakasviba. Mvura yakachena yakakosha mukurwisa zvirwere zvemanyoka, kusanganisira icho cheCovid-19 nekuti vanhu havangagoni kuita hutsanana mudzimba dzavo kana kugeza maoko kana vasina mvura.

“Kuwaniswa kwezvekushandisa kuvanhu munguva yeCovid-19 kwakakosha kuti vakwanise kuzvidzivirira,” vanodaro VaMudzingwa.

Vanoti sangano ravo riri kurongwa kuchera zvimwe zvibhorani munharaunda iyi kana vakawana rutsigiro.

“Kudzivirira chirwere cheCovid-19 nezvemanyoka kwakakosha pane kuzozvirapa nekuti zvinozodhurira Hurumende apo varwere vanowanda muzvipatara uye vamwe vane mikana yekurasikirwa neupenyu,” vanodaro.

Vamwe vanotenda chirongwa ichi.

“Tinofara nerubatsiro urwu nekuti tanga tisina pekutangira sepanhau yesipo taingogeza nemvura bedzi. Zvino sipo zvayauya tava kutevedzera zvinodiwa mukurwisa Covid-19,” vanodaro Mbuya Sarudzai Mapeno (48).

Juliet Sadombo anoti ane shuviro yekuti kudai zvibhorani zvawedzerwa sezvo dambudziko remvura munzvimbo mavo richivanenekedza kuzvirwere.

Chirwere cheCovid-19 idambudziko guru renyika uye chinoderedza budiriro yeupfumi, kugarisana kwakanaka kwevanhu munyika uye zvinangwa zvinoendeka zvinodzokera kumashure.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey