Kumhanya handi kusvika

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MHURI yeZimbabwe, nhasi pamunozosvika nguva yekurara munenge mave kuziva kuti ndevapi vanenge vabudirira kunyoresa mazita avo kuti vachikwikwidze musarudzo dzemusi wa30 July gore rino.

Tinotaura mapato ezvematongerwo enyika akasiyana-siyana, kana kuti vaya vanozvimiririra.

Saka nhasi China hakudanwi anonzwa – nhengo dzese dzinoda kukwikwidza kubva pahuPresident, dzedare reParamende kusvika kuvamiriri vemakanzuru – vachaenda kumatare mumatunhu ose enyika kuti vanyorese zviri pamurawo kuti vari kukwikwidza.

Panenge pachibviswa mari – chigaro chaPresident ($1 000), uyewo vari kukwikwidza kupinda mudare reParamende ($50); kwozoti vemakanzuru havasi kubvisa mari. Kana watadza kudare irori, ndopakafira sarungano.

Bumbiro remutemo paSection 157 (Electoral Law) chikamu chechitatu rinoti: “The Electoral Law must provide for the nomination of candidates in any election to take place at least fourteen days after the publication of the proclamation calling for that election. Polling must take place at least thirty days after the nomination of candidates.”

Mazuva gumi nemana kubva pakataurwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa kuti kuchave nesarudzo musi wa30 July asvika nhasi 14 June, 2018.

Semaziviro atinoita, pese panoitwa sarudzo dzakafanana nedzegore rino, hazvisi nyore nezvakatarisana nevanoda kukwikwidza.

Zvinotoda kusunga dzisimbe nokuti panogara dare reNomination Court munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika yese, zvichienderana nezviri mubumbiro remutemo, dare iri rinenge richitambira chete chete vanhu vane zvakakwana, kusanganisira mari, mapepa anoratidza kuti nhengo inotsvaga kuda kusarudzwa iri kutsigirwa nevanhu vakanyoresa kuvhota here.

Ivo vacho vanoda kukwikwidza, vanototariswawo kuti vakanyoresa kuvhota here gore rino – kwete zva2013. Mamwe makore vamwe vakawanikwa vasimo muVoters Roll.

Saka vamwe vangaonererwa zvavo vachiti gwanza resarudzo harina kuswatuka, asi nhasi ndipo pachabuda chokwadi chese — kuti vachapinda musarudzo ndevapi, uyewo kuti vana gudzamudungwe ndevapiwo.

Tichaonawo kuti muonerapamwe, usavi hwapanhamo hwemuunganidzwa emapato wakafanana neMDC Alliance rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, kana People’s Rainbow Coalition yaDr Joice Mujuru zvichafamba sei.

Zvisungo nezvibvumirano zvavakaita vachigoverana zvigaro zvichabuda here, kana kuti tichaona mamwe mapato ave kuti ari kukwikwidza mumatunhu ose? Hatichaona vamwe vachisvimha misodzi here?

Mapato anopikisa akapihwa mukana wokuratidzira svondo rapfuura, asi chinoshamisa ndechokuti zvavaichema, vamiriri mudare reParamende vaive navo; bumbiro romutemo riripo! Saka mhere kumombe nesangano rinoitisa sarudzo reZimbabwe Electoral Commission ndeyei, ivo vamwe vachiri pakati pokukakavadzana nenyaya dzema“primary elections”?

Tinodaro nokuti mutungamiri wenyika vakatosaina mutemo wakapasiswa nedare reParamende uri maererano nesarudzo. Mudare reParamende, mapato ose akange arimo, kusanganisira eMDC-T.

Chinotishamisawo zvakare ndechokuti bumbiro remutemo riri pachena kuti mushure mokunge zuva resarudzo raziviswa, hazvikwanisiki kuti mutemo wesarudzo (Electoral Law) usandurwe: “After an election has been called, no change to the Electoral Law or to any other law relating to elections has effect for the purpose of that election.”

Saka kana mapato ose, kusanganisira nevatungamiri vawo, vachiremekedza bumbiro remutemo, pamusana pei kuda kupa chimiro chokuti zvinhu hazvisi mugwara?

Chakatishamisawo nokuratidzira kwomusi weChipiri svondo rapfuura ndechokuti mapato ose iwaya airatidzira muguta reHarare, haasati atipa muono wavo wokuti zvavari kupinda musarudzo idzi, ndezvipi zvavachaita.

Pane mapato mashoma-shoma akaparura ma“manifesto” avo, anosanganisira Zanu-PF, MDC-T inotungamirirwa naDr Thokozani Khupe; People’s Rainbow Coalition; namuzvinafundo Austin Chakaodza vari kukwikwidza vakazvimiririra kuGuruve. MDC Alliance yakatozoparura hurongwa hwayo kupera kwesvondo rapfuura.

Ko vamwe ma“manifesto” avo ari kupi? Pamwe ndiMukwende asinganzwisisi kukosha kwe“manifesto”, asi dai gwaro iri risina kukosha, mapato ezvamatongerwo enyika angapedza mari vachiagadzira nokuzoaparura? Vanhu vangaziva sei hurongwa hwenyu pamunenge muchitsvaga rutsigiro?

Kwouyawo imwe pfungwa inoti mutungamiri weMDC Alliance sei ari kumhanyira kuratidzira, imo mumba muzere marara? Mutsvakurudzo yakaitwa naMukwende kune dzimwe nzvimbo dzavo dzichapa chinetso.

Vamwewo vanoti mapato anopikisana haana kufanana nebato reZanu-PF kunozivikanwa kuti vatevedzeri vomutungamiri wenyika havavhoterwi. Vatevedzeri vavo vachasarudzwa sei, nani? Manyama amire nerongo oga oga.

Asiwo nhasi kana paine vakadengezera hari izere dzungu, tichavaona vaitura, nokuti vanenge vatarisana nechokwadi. Hurumende yomubatanidzwa iri kutsvagwa, haitaurwe rukova urwu rwusati rwayambukwa. Ndosaka Mukwende ati, kumhanya handi kusvika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey