Kusanaya kwemvura injodzi kunyika: President

04 Apr, 2024 - 16:04 0 Views
Kusanaya kwemvura injodzi kunyika: President President Mnangagwa

Kwayedza

Zvamaida Murwira

MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vazivisa kuti kusanaya kwemvura kwakaitika muZimbabwe mumwaka weZhizha wa2023/2024 zvichikonzerwa neEl Nino idambudziko guru munyika kubva nemusi weChitatu chino, vachiti Zimbabwe inoda mari inosvika US$2 bhiriyoni kuti irwise nzara panguva iyo vanhu vakawanda vava kuda rubatsiro rwechikafu.

Vachitaura kuState House, muHarare, mutungamiri wenyika vanoti izvi zvichabvumira kushanda nesimba mukuunganidza zviwanikwa zvinodiwa uye vanovimbisa nyika kuti Hurumende ichaona kuti hapana munhu kana nzvimbo inosara isina chekudya.

Zambia neMalawi, idzo dzakawirwawo nedambudziko rekusanaya kwemvura nekuda kweEl Niño, dzakatozivisa kuti dzine njodzi yakafanana.

Pasi pemamiriro enjodzi yerudzi urwu, Hurumende inokwanisa kugovera zviwanikwa uye kutora mamwe matanho ekukurumidzira kugadzirisa dambudziko rakadai.

President Mnangagwa vanoti Hurumende ichapindira mukugadzirisa dambudziko rekusanaya kwemvura uye panguva imwe chete iyi vanokumbira rubatsiro pasi rose nemunyika muno.

“Ongororo yekutanga inoratidza kuti Zimbabwe inoda mari inodarika US$2 bhiriyoni kuitira matanho atinofanirwa kutora senyika. Zvakare, regai ndikuvimbisei vamwe vangu zvizvarwa zveZimbabwe kuti mhinduro yedu munyika yose ichava yakakura, yakazara uye inobatanidza zvose. Hapana kana nzvimbo ichasara isina chekudya,” vanodaro President Mnangagwa.

“Mamiriro ataurwa pamusoro pekusanaya kwemvura kunokonzerwa nekushanduka kwemamiriro ekunze anoda matanho nekupindira sezviri mumitemo yedu. Kuti izvi zviitike, ndinozivisa mamiriro enjodzi munyika yose, nekuda kwekusanaya kwemvura kunokonzerwa neEl Niño,” vanodaro.

Panguva imwe chete, vanodaro President Mnangagwa, vanokurudzira zvizvarwa zvemuZimbabwe, kusanganisira vari kunze kwenyika, masangano anopa rubatsiro akadai seari pasi peUnited Nations nemamwe mapoka kuti vabatsire mukurwisa nzara iyi.

Zimbabwe yange yakarima chibage chakaringana nezvimwe zvirimwa zvaizopa goho rakanaka kudai pasina mvura isina kuzonaya.

Chikamu chinodarika makumi masere kubva muzana chenyika chakawana mvura iri pasi peinotarisirwa.

Mahekita 1 728 897 ange akarimwa chibage nedzimwe mbesa mwaka uno.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey