MaChevrons opinda muhondo

07 Jul, 2022 - 10:07 0 Views
MaChevrons opinda muhondo MaChevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

KUNOTSVA demo kugosara mupinyi nemusi weMuvhuro unotevera apo chikwata chenyika checricket chemaChevrons chichabandana nezvikwata zvitatu muboka reGroup A zvichirwira tikiti rekuenda kuICC Men’s T20 World Cup.

Mutambo wekutanga uchaona maChevrons achisangana neSingapore kunhandare yeQueens Sports Club kuBulawayo.

MaChevrons apedza kubandana neSingapore, achasangana neJersey musi weChipiri uye ozotatsurana neUnited States of America musi weChina.

Zvikwata zviviri zvichapedza zviri pamusoro muboka iri zvichafambira mberi kuenda kusemi-final apo zvinozopinda mufinal ndizvo zvinobva zvahwina tikiti rekuenda kuWorld Cup iyo ichatambirwa kuAustralia munaGumiguru.

Muboka reGroup B, mune zvikwata zvinoti Netherlands, Papua New Guinea, Uganda neHong Kong.

Muchinyorwa chakabva kuZimbabwe Cricket (ZC), murairidzi wemaChevrons – Dave Houghton – anoti vanoda kuhwina mitambo yose yavachatamba kutanga nemusi weMuvhuro kuitira kuti vagobudirira kuenda kuAustralia.

Dave Houghton

“Tarisiro yangu pamwe neyechikwata chedu chose, kuhwina mitambo iyi yekurwira kuenda kuWorld Cup, chete chete,” anodaro Houghton.

Anoti kukurumidza kuenda kwakaita chikwata chake kuBulawayo, uko vari kuita gadziriro, kuchabatsira zvikuru mumitambo yavakatarisana nayo.

“Zvakakosha kuti tiri kuita gadziriro dzedu kuQueens Sports Club kuBulawayo nekuti zvinotibatsira kuti tijairire nhandare iyi uye tichiona kuti mabhora anofamba zvakadii.

“Zvakakosha zvekare kuti tinge tichidzidza nhandare yedu kukura kwayo. Saka kuve tiri kuno kune zvazvakanakira,” anodaro Houghton.

Mitambo yose yemapoka maviri aya ichatanga musi weMuvhuro. Pari zvino, zvikwata 14 zvakatobudirira kuenda kumakwikwi eICC Men’s T20 World Cup uye kwasara zviviri izvo zvichazozivikanwa pachapera mitambo ichatambirwa muno iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey