MAONERO EDU: Itai fare, fare moti tindike!

25 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
MAONERO EDU: Itai fare, fare  moti tindike!

Kwayedza

accidentNEMUSI weChishanu svondo rino, mhuri yeZimbabwe ichabatana nedzimwe nyika pasi rose mukupemberera zororo rePasika.

Zororo iri rimwe remamwe ane mazuva akati wandei pagore sezvo richitanga nemusi weChishanu richizopera neMuvhuro svondo rinouya.

Panguva iyi vatendi vechiKristu vanenge vachirangarira kufa nekumuka kwaJesu Kristu mwanakomana waMwari.

Izvi zvinoreva kuti vashandi vakasiyana vanenge vari pazororo zvinova zvinhu zvinokudzwa zvikuru.

Pazororo iri vamwe vanoronga nzendo dzekunoona hama neshamwari kumativi mana enyika, kusanganisira kumaruwa.

Semaonero edu, zvakakosha kuti veruzhinji varonge pamusoro penzendo dzakadai nguva ichiripo kuitira kuti varege kuzomhanya-mhanya panguva yekupedzisira.

Gore roga-roga panguva yezororo rePasika panoitika tsaona, idzo dzinokonzera kurasikirwa neupenyu hwevanhu pamwe nekukuvara kwevamwe. Semuenzaniso, gore rapera vanhu 10 vakafa, vamwe 162 vakakuvara mutsaona dzemumigwagwa dzinosvika 283 dzakaitika munyika yose pazororo rePasika. Kunyangwe zvazvo mapurisa akati tsaona idzi dzaive shoma kana zvichienzaniswa nepazororo iri muna2014, upenyu hwakakosha nekudaro hunofanira kuchengetedzwa.

Mugore ra2014, vanhu 19 vakafa, vamwe 151 ndokukuvara mutsaona dzemumigwagwa dzaisvika 206 munyika yose pazororo iri.

Zhinji dzetsaona idzi dzinokonzerwa nevatyairi vasina hany’a nekutevedza mitemo yekufamba mumigwagwa.

Vamwe vevatyairi ava ndivo vanomhanya zvakadarikidza pasina kukodzera izvo zvinopedzisira zvakonzeresa tsaona.

Kune vamwe zvakare vanofarisa, avo vanotyaira vakadhakwa panguva yezororo asi vopedzisira vapinda muna taisireva.

Mazuva ano mvura iri kunaya munzvimbo dzakasiyana dzenyika nekudaro vatyairi vanofanira kufamba zvine hungwaru nekuti migwagwa inenge ichitsvedza. Varidzi vemabhazi nemakombi anotakura veruzhinji ngavaonewo kuti akakodzera kunge ari pamugwagwa kwete kuda mari asi vachiisa upenyu hwevafambi panjodzi nekufambisa michova yave hari dzofanzirofa.

Zvakakoshawo kuti mabhazi nemakombi anotakura veruzhinji atakure zvine mwero kuitira kudzivirira tsaona.

Hongu, nguva yezororo rePasika ndeye kufara asi hazvina kunaka kuzofarisa nekuti kana kangoma koririsa kanenge koda kuparuka.

Saka ngatitii fare, fare tindike! Tinogamuchira nemawoko maviri yambiro yemapurisa anoshandira mumigwagwa yekuti achange aripo siku nesikati achiona kuti mitemo yekufamba yatevedzwa uye kuti motokari dzakakodzera kuve dzichifambiswa here. Nerimwe divi, kune vachafamba kuenda kunzendo dzakasiyana ngavaonewo kuti pane ari kusara akachengetedza dzimba dzavo pamwe nemidziyo.

Tinodaro nekuti kune vamwe vane mawoko marefu avo vanoda kukohwa pavasina kurima vanenge vachifara panguva ino vachiti kwakafura madembo.

Muve nezororo rePasika rakaropafadzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey