MAONERO EDU: Kana zvaramba edza chipatara

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tine nyaya mbiri dzemadzimai ari kutambudzwa zvikuru nezvinhu zvakasiyana, zvinoti mumwe ari kumera zinyama pachidya chake neanoti ari kuoneswa pfumvu nekuitwa mudzimai wezvikwambo kana kuti zvidhoma.

Munyaya yekutanga, mudzimai uyu anoti akamera zinyama iro rakatanga kari kabundu kadiki paaikura.

Sekutaura kwemukadzi uyu, zinyama iri riri kungoramba richikura kusvika pakuti ave kutambura kufamba kana kugara. Apo richimurwadza zvekare.

Munyaya yechipiri, mukadzi uyu anoti ave nemakore achishinhwa naye pabonde nezvikwambo zvinokwana 12.

Kunze kwaizvozvo, anotiwo kana mweya uyu wamubata, anozviwisira mumoto izvo zvakaita kuti asvike pakutsva zvakaipisisa kumusana nemumawoko ake. Madzimai maviri aya anoti akambozama kutsvaga rubatsiro kun’anga nekumaporofita vachifunga kuti zvimwe matambudziko avo akasiyana aya angasanduke asi hapana chakabuda kunze kwekuti zvakawedzera uye mari dzichingoendera mahara.

Mukadzi anoshereketwa naye nezvikwambo, sekutaura kwake, anoti pane imwe nguva akazobva achitiza pane imwe n’anga iyo yakange yoda kupinda naye pabonde ichiti ndiko kuti dambudziko riri paari ripere.

Nguva yadarika, bepanhau rino rakaburitsa zvakare nyaya yemadzimai maviri anoti akanwiswa ropa nemumwe muporofita vachinzi iyi yakange iri nzira yekuti vauchikwe kuti vakwanise kuita vana mushure mekunge vanetseka kuita mbereko.

Mumwe wevakadzi ava anotizve akanzi nemaporofita aya aifanirwa kupinda pabonde “nemweya” kuti akwanise kubata pamuviri izvo akaramba. Semaonero edu, kune nyaya dzakawanda dzinogona kunge dziri kuitika dzevanhukadzi vari kumbunyikidzwa nen’anga nemaporofita enhema asi kuti dzimwe nyaya dzacho hadzisi kufumurwa.

Tinodaro nekuti vamwe vanonyara kuti veruzhinji vazive tsekwende dzavanenge vasangana nadzo apo vanenge vachitsvaga rubatsiro.

Hongu, vanhu vanokwanisa kuyamurwa mumatambudziko avanenge vari kusangana navo nenzira dzakasiyana, asi zvakakosha kuti vangwarire kumbunyikidzwa nenhau yekuda kubatsirwa iyi.

Sedambudziko rine mudzimai ari kumera zinyama, vanachiremba vakadzidzira basa vanoti chirwere ichi chinotevedza mhuri kana kuti dzinza. Saka nekuda kwekusaziva, munhu anowanikwa oenda kun’anga kana kumaporofita panguva iyo chirwere chinenge chichitodingindira kana kugodza mumuviri.

Zvakanaka kuti kana munhu achinge asangana nedambudziko aendewo kuchipatara kana kukiriniki nguva ichiripo nekuti izvi zvinobatsira kuti chirwere chirapwe chisati chakomba.

Hongu, n’anga nemaporofita vanogona kunge vaine zvimwe zvavanoyamura nazvo, asiwo kana vakundikana kubatsira munhu padambudziko raanange anaro zvakanaka kuti vamukurudzire kuenda kunozama kuchipatara.

Izvo zvekuda kushinha nemukadzi ari kutsvaga rubatsiro zvinotopedzwa nekusungwa kwavo vopotserwa mumajeri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey