Uncategorized

Maporofita 8 vekuny’ura: ‘Apa pane nyaya’

10 Nov, 2021 - 08:11 0 Views
Maporofita 8 vekuny’ura: ‘Apa pane nyaya’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYAYA yenjodzi yemaporofita masere ayo akany’ura apo aibhabhatidzana murwizi Mazowe, kwaMambo Makuni, kuRushinga svondo radarika pamberi yamutsa mitauro yakasiyana apo vamwe vari kuti panogona kunge paine hurombwa panyaya iyi asi kuine vamwewo vanoti vanhu vaitungamirira chiitiko ichi vanofanirwa kusungwa.

Vanamati vechechi yeJohane Masowe yeJerusarema yeNguwo Tsvuku, inonyanya kuzivikanwa nekunzi Jeandie vakany’ura vachimhanyidzana kunyurura tsvimbo yainge yakandwa nemukuru wavo mudziva uyo aiva avimbisa kuti anotanga kuitora ndiye aizoita mukuru wevabhabhatidzi muchechi iyi.

Vamwe vanhu vari kuti tsaona iyi yaigona kudzivirirwa kudai vanamati ava vakazviona pamweya isati yaitika.

Votaura nezvenjodzi iyi, Madzibaba Mateo, VaAlfreddy Mupfumbati, vechechi yeFaith in God Ministry, avo vanobvawo kuRushinga vanoti zvakaitika zvinoshamisa.

“Semaporofita, tinonamata mudzimu unoyera Jehovha mupenyu anofanirwa kuratidza chakaipa chinouya kwatiri. Asi izvi zvinoitika chete kana tichinyengetera nekufamba muhutsvene.

“Handizive kuti sei vanzwi vekudenga ava vasina kuziva mhemherere dzakadai idzi dzisati dzasvika kwavari,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Vanoti panogona kunge paine zvinhu zvinosanganisira kuti nzvimbo iyi inoyera kana kuti pane kuromba kwevamwe vanamati vemuchechi iyi.

“Nzvimbo iyi tichikura paingonzi pane munhu aiva mambo wedunhu iri akapondwa akadamburwa musoro akaita nguva yakareba mutumbi wake uchiramba kufa uye usina kuwora. Mutumbi wemurume uyu unonzi wakazovigwa mubako riri padziva apa nekudaro panonzi panoyera uye panotonzi pamusha pamambo. Saka tinoti tisamanikidze kunonamatira nekuwombekerana munzvimbo dzinoyera,” vanodaro Madzibaba Mateo.

Vanoenderera mberi: “Handizive kuti maporofita aya akaenda here kumvura uku vasina kuyereswa. Tine zvinhu zvatinoshandisa mukunamata zvinoti kurota hope nekuporofita zvichauya. Sei vanhu ava vasina kusangana nekuoneswa uku? Tinoguma tava kufunga kuti pane hurombwa.”

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti nyaya yemaporofita vakafira mumvura ava ine zvakawanda.

“Isu sesangano rinomirira maporofita nen’anga, hatigone kuchenesa mukuru wesowe iri nekuti paanonzi akatanga kukanda tsvimbo mumvura achizoti vamwe vanoitora kureva kuti aiva akapedza tsoro dzake kare, kuchekeresana uku. Anofanirwa kuripa kumadzishe eko,” vanodaro VaKandiyero.

Madzibaba Mashunya, VaHonest Mafa (32) vechechi yeChitenderano Apostolic Faith vanotiwo zvakaitika izvi hazvinei nemweya mutsvene asi kuti mweya yetsvina yavanofananidza nengozi.

“Vanamati tinofanirwa kutanga tabvunza mweya mutsvene zvose zvatinoita. Zvino apa handizive kuti vakashandisa mweya upi waivatungamirira mubasa ravo kusvikira maporofita aperera mumvura kudai,” vanodaro Madzibaba Mashunya.

Kuchitiwo Bishop Cuthbert Nyaruvenda, avo vanova mukuru wesangano reZimbabwe NationaI Practitioners Association, vanotiwo, “Tinotarisira kuti pane maporofita kana chakaipa chichiuya chinofanirwa kurotswa, kududzirwa kana kuporofitwa chisati chauya choitirwa miteuro kuti chizouya chadzikama kana kusauya zvachose. Zvino apa panoratidza kuti pakaita kuvandirana.”

Madzibaba Gamba, VaMartin Madzura (33), vechechi yeKundiso Apostolic Faith vanoti nyaya iyi haina kuchena.

“Hakuna Mwari vanotora vanamati nenzira dzakadai idzi, pane mweya yetsvina apa uyewo hazvizivikanwewo semaporofita tinogona kupihwa mhiko dzekuzvisimbisa. Hapana kujeka pachiitiko ichi, paisava nemwenje,” vanodaro Madzibaba Gamba.

“Ikurudziro yedu kuti tinamate pasina kubata zvakawanda, padziva apa panogona kunge pane zviripo zvinopokana nekunamata zvakaita senjuzu nezvimwe.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey