Uncategorized

Matigonera: Machechi 

12 Aug, 2021 - 14:08 0 Views
Matigonera: Machechi  BISHOP Ndanga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VERUZHINJI nevakuru vemachechi votambira nemaoko maviri danho rakatorwa neHurumende nomusi weChitatu chino apo yakapa mvumo kune vemakereke kuti vange vachisangana vachinamata asi izvi zvichaitwa chete nevakabaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19, ose ari maviri, kuti rekutanga (1st dose) nerepiri (2nd dose).
 Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Senator Monica Mutsvangwa, vakazivisa nyika nezvedanho iri nemusi weChitatu apo vaitaura nevatori venhau mushure mekupera kwemusangano wedare reCabinet muguta reHarare.
 Vanoti vose vachabatwa vasingatevedzere danho iri vacharangwa zvakaomarara nemutemo, kusanganisira vakuru vemachechi acho.
Kwayedza yakakurukura neveruzhinji uye vamwe vemachechi avo vakapa pfungwa dzavo maringe nedanho iri.
Arch-Bishop Johannes Ndanga vanova mutungamiriri weApostolic Christian Council of Zimbabwe (ACCZ) vanopembedza danho rakatorwa neHurumende vachiti rauya panguva iyo vakanga vasingafungire.
“Danho iri rauya takarivara zvikuru uye tinoritambira nekuti kunyangwe zvatakambomiswa takazvigashira zvekare nekuti zvaiva nechikonzero chekuchengetedza utano hwevanhu. Pekutanga patakamiswa kuenda kumachechi tichinzi tinamatire mudzimba, takambozvikakama asi tinofara nekuti zvakabatsira. Saka pakubaiwa kwevanhu kuti vakwanise kuenda kune ruzhinji kumachechi kwakakosha nekuti idanho rekuchengetedza upenyu. Kunyangwe mamasiki vanhu vanoda dzidziso yekuti chero vakabaiwa majekiseni ese vanofanira kuapfeka nekuti mikana yekurwara neCovid-19 inogona kuvapo.
Mumachechi imomo zvakare ngamuonekwe kuti makakura zvakadii nehuwandu hwevanhu vachapindamo kuti vasamanikidzirana. Ngamuve nemvura yakachena nesipo dzekugeza maoko nekuti chirwere ichi chinouraya zvedi,” vanodaro.
Muvhangeri Vengesai Muchoni vekereke yeZaoga kuEpworth vanoti vava kutomhanya kunobaiwa jekiseni rekudzivirira Covid-19 kuti vafambirane nenguva.
“Ini ndaimbotya hangu kubaiwa majekiseni asi ndava kutoenda nemhuri yangu nekuti kuchechi kutaura chokwadi takanga takusuwa, taitoti tichafa tisina kuendako. Tinongoda kuyambira kuti nyaya dzekuturikana maoko pamusoro dzimbomira, munhu nemunhu anamate amire paamire nekuti chirwere ichi chiri nyore kutapurirana kana vanhu vakazonamata vakatarisana vakabatana misoro,” vanodaro.
Mai Elizabeth Chidi vekuWaterfalls muHarare vanotiwo danho iri rakanaka asi zvinoda kuongororwa zvakasimba kuti paonekwe kuti vanhu vachazoenda kumachechi vakabaiwa zvedi here.
“Nenhau yehuwori tiri kutyira kuti munhu anenge ari pamusuwo wechechi anogona kungopihwa mari obvumidza vanhu vasina kubaiwa kuti vapinde zvoisa upenyu hwevazhinji panyatwa. Makadhi ekubaiwa majekiseni eCovid-19 anoda kuongororwa kuti vanhu vasazopinda neemikoto,” vanodaro.
Mbuya Simbisai Magora vekuChitungwiza vanoti vanozvigashira kuti vanhu vabaiwe majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19.
“Zvakakosha kuti vanhu vawaniswe mashoko azere maringe nechirwere cheCovid-19, kukosha kwekudzivirirwa kuburikidza nekubaiwa majekiseni, kupfeka mamasiki nekuregedza kuungana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>