Uncategorized

. . . mayunivhesiti opindira

08 Apr, 2020 - 00:04 0 Views
. . . mayunivhesiti opindira Prof Murwira

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MAYUNIVHESITI eHurumende apindira mukurwisa chirwere cheCovid-19 muno.

Mayunivhesiti aya ari mubishi kugadzira zvinoshandiswa pakumisa kutapurirana nekupararira kweCovid-19.

University of Zimbabwe (UZ), National University of Science and Technology (NUST), Midlands State University (MSU), Chinhoyi University of Technology (CUT), Harare Institute of Technology (HIT), Bindura University of Science and Education (BUSE) nemamwe vakatotanga mabasa ekugadzira zvinhu zviri kunyanya kudiwa nenyika pari zvino mukurwisa chirwere chatekeshera pasi rose ichi.

Kusvika nezuro, Zimbabwe yava nevanhu gumi vawanikwa vaine Covid-19 apo mumwe chete wavo akatoshaika.

Gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina,  Professor Amon Murwira, vanozivisa kuti mayunivhesiti enyika akapihwa mari neHurumende yekuti vaite tsvakurudzo pamwe chete nekugadzira mishonga nezvipfeko zvekushandisa pakudzivira kupararira kweCovid-19.

Mayunivhesiti pari zvino ari kugadzira mamasks pamwe chete nemishonga yekugezesa maoko (hand sanitisers) uye nhumbi dzinopfekwa muzvipatara namachiremba navanamukoti pakurapa varwere veCovid-19.

University of Zimbabwe yakatopa mishonga yemahand sanitiser, hand wash, surgical theatre caps, overshoes, maepuroni pamwe chete nemaface masks kuNatPharm.

Zvakabatana nezvakabva kune mamwe mabhizimisi, mishonga nezvekushandisa muzvipatara izvi zvakapihwa kuzvipatara zvakatekeshera nenyika kuti zvishandiswe pakurwisa Covid-19.

Akafanobata chigaro chaoperations director kuNatPharm, VaZealous Nyabadza, vanoti vanotarisira kupihwa mishonga iyi nezvekushandisa neUZ panodarika mazuva maviri oga-oga. Kunze kwekuiswa muzvipatara, mishonga yekugezesa maoko ichaendeswawo kunzvimbo dzinosangana veruzhinji dzakaita sekuzvitoro zvikuru.

VaNyabadza vanokurudzira vezvipatara zvakazvimirira kuti vazadze zvipatara zvavo nemishonga nezvekushandisa zvinobva kuNatPharm.

“Tinoda kuti vezvipatara zveveruzhinji nevakazvimirira vatenge mishonga nezvekushandisa kubva kwatiri sezvo izvi zvichigadzirwa muZimbabwe uye zviri kugadzirwa nemayunivhesiti emuno,” vanodaro.

Vanoti NatPharm ichashandawo nemamwe mayunivhesiti kuti irambe ichiwana zvinodiwa mukurwisa Covid-19.

NatPharm iri kushandawo neUZ mukugadzira mimwe mishonga izvo zvinoderedza kutengwa kwayo kunze kwenyika. Izvi zvinobatsira sezvo vashandi mune zveutano vanga vachitsutsumwa kuti havana zvekushandisa zvakakwana mukurwisa Covid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey