Uncategorized

‘Mhirizhonga kuvanhukadzi bodo’

30 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
‘Mhirizhonga kuvanhukadzi bodo’

Kwayedza

  Abel Ndooka 

SANGANO reSmile Action International rinoti ibasa remunhu wose kurwisa nyaya dzemhirizhonga yemudzimba, zvikuru kuvanhukadzi, uye nyaya dzerudzi urwu dziri kuwanda kubvira pakanyuka chirwere cheCovid-19 munyika muno gore rapera.

 Vachitaura apo Zimbabwe iri kubatana nepasi rose kucherechedza mazuva ekurwisa mhirizhonga e16 Days of Activism Against Gender Based Violence, muvambi varizve operations director wesangano iri – VaTatenda Mamina – vanoti kubva pakanyuka denda reCovid-19 nyaya dzemhirizhonga yemudzimba dzakawedzera munyika muno.

 Vanoti dzimwe dzenyaya idzi hadzisi kumhan’arwa kumapurisa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana uye vamwe vari kushungurudzwa vari kusvika padanho rekutora hupenyu hwavo mushure mekupererwa nemazano.

VaMamina vanoti nekuda kwemhirizhonga iyi, dzimwe dzimba dziri kusvika pakuparara zvinoita kuti vana vasare vachitambura.

“Tiri kuedza nepatinogona kurwisa mhirizhonga iyo yawandisa zvikuru mudzimba. Mutsvakurudzo yakaitwa, zvakaonekwa kuti mhirizhonga yakanyanya kuwedzera panguva yeCovid-19 lockdown izvo zvaizotuma vamwe vanhu kuzviuraya chaiko uye vamwe ndivo vaizoenda kunobata-bata mishonga chaiyo kuti vabatsirike. Vamwe kwavanoenda kunotsvaga mishonga kana ikasashanda ndipo vanozosvika pakuzopondana mudzimba.

“Mhirizhonga haina kunaka, inokanganisa vana avo vanokura vachiona mhirizhonga ichiitwa nevabereki vavo. Ibasa remunhu wose kurwisa mhirizhonga yemudzimba. Vana vakagara vachiona mhirizhonga inenge ichiitwa nevabereki vanozokura vachifunga kuti pamwe ndiyo nzira yacho yekurarama asi kwete nekuti izvi zvakashata,” vanodaro.

VaMamina vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vatsigirwe vakwanise kuita mabhindauko akasiyana-siyana sezvo panguva yelockdown zvakaonekwa kuti mhirizhonga inowanda nekuti vanhu vanenge vagere kudzimba izvo zvinokonzera nzara mumba.

Vanoti sangano ravo rine zvirongwa zvariri kuita zvekudzidzisa vanhukadzi mabhindauko emaoko kuti vakwanise kuwana raramo uye kuti varege kumirira kuitirwa zvose nanababa mudzimba.

“Takaona zvakakosha kudzidzisa madzimai naivo vanababa kuti vazvishandire nemaoko avo mumabhindauko akasiyana-siyana nekuti kana vasina zvekuita ndipo vanopedzisira vave kuita zvemhirizhonga.

“Asi kana vanhukadzi vave kuzvimirira vanokwanisa kuenderera mberi nehupenyu hwavo vaine rugare,” vanodaro VaMamina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey