Uncategorized

MHURI YOSE IN’ANGA…‘Tisu tinosimbisa maporofita’

11 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
MHURI YOSE IN’ANGA…‘Tisu tinosimbisa maporofita’ Madzimbabwe akavakwa nemhuri yakwaDambudzo

Kwayedza

Daphne Machiri
VANHU vashanu vemumhuri imwe chete – amai nevanakomana vavo vatatu, nemuzukuru – vekuChidodo, kuMbire, mudunhu reMashonaland Central, vanoti vose in’anga uye ndivo vanopa maporofita nevamwe vakuru vemachechi mishonga yekuti vatyiwe kana kuti vaite mbiri.

Vanhu ava – avo vanova zvizvarwa zvekuMozambique – pari zvino vari kugara kuEpworth, pedyo neHarare uko kwavanoti vanobvakachirwa nevakuru vemamwe machechi nemaporofita vachistvaga kusimbiswa.

Vanopotawo vachimboenda kumusha kuChidodo nekuMozambique vachinoshandira vanhu nekutsvaga mishonga.

Amai vemhuri, Mbuya Nzou kana kuti Estery Dambudzo (67) nevanakomana vavo Daniel Dambudzo (41), Caleb Dambudzo (36) naFit Dambudzo (30) uyo anova gotwe, pamwe chete nemuzukuru wavo mwana waCaleb – Winnet (18) – vose vanoita zvehun’anga.

Caleb anoti zvemashavi ekurapa aya mumhuri mavo zvakabva kuna sekuru vavo, VaMeruza Dambudzo avo vanova baba vababa vavo.

“Tose tiri vakomana vatatu vana vaMbuya Nzou tinoshopera. Ivo amaiwo in’anga, vanopoterwa nemashavi ekumusha kwavo. Vanoita zvekurapa pakati pedu vanosanganisira mukoma vakuru, Daniel, ini Caleb nemunin’ina wangu Fit.

“Kunozoita mwanasikana wedu Winnet, saka tiri vashanu vanosvikirwa nekurapa,” anodaro Caleb.

Caleb anoti ndiye anotungamirira matare ekurapa sezvo ari iye anobatwa nemweya mukuru wedzinza.

“Dzimwe nguva shavi rinoita kuti ndigare musango kana zvakandibata uye madzimai vanenge vasingadiwe pedyo. Ndinogara musango ndiri ndoga kwemasvondo maviri ndichipihwa masimba naMusikavanhu nevadzimu,” anodaro Caleb.

“Mwana wangu musikana ave kubatwawo nemidzimu uye tiri kumusimbisa kuti apinde mukurapa akasimba. Ndine nguva dzandinonogeza mhuri yangu yose kudziva ndichivachenesa.”

Mhuri iyi yakavaka rusvingo rwematombo uko kwavanoti kumadzimbahwe pedyo nekarwizi kunova kwavanoitira mapira.

Caleb anoti vanopawo maporofita nevamwe vakuru vemachechi masimba ekuti vaite mashura kumakereke kwavo.

“Ndinopa masimba maporofita ane mukurumbira, nevanoda kusimbiswa mashavi uye pabako remudzimbahwe umu panochengetedzwa nemhondoro nenjuzu sezvo bako iri riri pedyo nerwizi,” anodaro.

Caleb anoenderera mberi: “Madzimbahwe tine maviri anoti kuno kuEpworth neriri kuChidodo, kuDande, uko kwatinobatira mabasa.”

Fit anoti hun’anga hwake hwakatanga achiita zvekurotswa apo aiona zvinhu zvaizoitika.

“Ndikarara ndinodudzirwa kuhope mitombo yekushandisa, mishonga tinonotora kuMozambique. Ndinoita zvekuroteswa nzvimbo dzekuwana mishonga iyi uye mimwe ndinotora muna Zambezi. Ndava nemakore 18 ndichiita izvi, kubva ndichiri kuchikoro,” anodaro Fit.

Anotiwo midzimu inosvika pavari yakasiyana uye inosanganisira webere, wenjuzu, wenyoka newevadzimba kana kuti vavhimi.

Mhuri yavo, anodaro Fit, inopomerwa nevamwe vanhu kuti vanorombesa vanhu uyewo nekuti ivo vakaromba kuburikidza nebasa rehun’anga ravanoita.

“Vamwe vanoti tinorombesa isu tichinziwo takaromba nekunzi takapengesa vamwe vehukama kuti hun’anga hwedu hufambe. Asi chokwadi ndechekuti isu tinopa masimba nekubika avo vanoda zvekurapa – vangava maporofita kana n’anga,” anodaro Fit

Mbuya Nzou vanoti vakatanga kurapa vaine mwana mumwe chete.

“Mwana wose achikura, anotoda mitombo yenhova nezvimwe zvirwere. Mudzimu wakazobuda uchibva kuna mai vamai vangu avo vaiva n’anga. Ini murume wangu David Dambudzo akazvibvuma asi haarape, anotitsigira tose nevana vangu,” vanodaro Mbuya Nzou.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mudzimu wangu ndewetsanganyoka, inova nyoka isingarume vanhu asi inowanikwa mumba kana mumatare.”

Mbuya Nzou vanoti kumusha kwavo vaitombogara nenyoka iyi mumatare avo.

“Mumba yaingopinda ichibuda ichidzoka kubva musango. Inyoka isingaonekwe pose-pose uye ukanzwa vanenge vaiona vanenge vatakurana nayo pasvinga rehuni kubva mugomo asi hairume. Musango inowanikwa mumiti yakaita semipangara,” vanodaro Mbuya Nzou.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey