Uncategorized

‘Mishonga yechivanhu inokosha’

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘Mishonga yechivanhu inokosha’ Dr Manangazira

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
DR Portia Manangazira, avo vanova director wechikamu cheEpidemiology and Disease Control kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti varapi vechivanhu vanofanira kuita tsvakurudzo pamishonga yavo kuti ikwanise kuzoiswa mumazita avo kana ichinge yaonekwa kuti inoshanda.

Vakataura mashoko aya pamusangano wevarapi vechivanhu nevemachechi uyo waiva nendingindira rekugoverana ruzivo maringe nehurapi wakaitwa nesangano reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) muHarare svondo rapera.

“Tinoda kuti varapi vadzidziswe kumayunivhesiti kuti vave neruzivo rwemishonga yavanopa vanhu. Chikamu che60 percent chevarwere vanotanga vaenda kuvarapi vechivanhu nevemachechi vasati vauya kuzvipatara nemakiriniki, saka zvinoda mushandirapamwe kuti varapi vechivanhu vawaniswe masimba zvichibva paongororo inenge yaitwa pamishonga yavo.

“Kana mishonga iyoyo yavhenekwa, zvinenge zvava kureva kuti murapi iyeye ndiye anenge ava kupihwa mbiri nekuti zita take ndiro rinenge rava kunyorwa kuti chiremba nhingi ndiye akabura mushonga unorapa gomarara, maziso zvichidaro,” vanodaro.

Dr Manangazira vanoti munguva inotevera, Hurumende inogona kuzopasisa hurongwa hwekuti varapi vechivanhu vakwanise kupa varwere mazuva ekuzorora kubasa (off sick days) sezvo vari vanhu vari kucherechedzwa munharaunda sezvinongoitawo machiremba emuzvipatara.

“Kana muri varapi vakanyoresa, hapana chinokutadzisai kuti mupe varwere venyu mazuva ekuzorora. Dzidzai musimukire muunyanzvi hwenyu kuitira kuti musatorerwe mishonga yenyu nevane unyanzvi. Izvozvi nyika yakatarisana nezvirwere zvisingatapuriranwi segomarara, Bp, mwoyo, shuga nezvimwe saka zvava kuda mushandirapamwe wemachiremba echirungu nevechivanhu,” vanodaro Dr Manangazira.

Vanoti varapi vanofanira kukwanisa kutsanangura zvirwere chaizvo zvavanorapa nekudura mhando yemishonga yavanoshandisa kuti zvipinzwe muongororo senzira yekuchengetedza upenyu hwevarwere.

“Tinoda kuti varapi vechivanhu vashande pamwe nemachiremba emuchipatara nekuti tese tinoshanda nevarwere. Tinoda kuti vakwanise kutumira varwere vavo kuchipatara nenguva pavanokundikana isuwo tichitumirawo kwavari kana zvichinge zvazadzikiswa neHurumende kuti vanogona kurwisa zvirwere zvakati.

‘‘Nzira iyi inobatsira mukusimudzira nyaya dzeutano munyika,” vanodaro.

Amai Mitchelle Madzudzo vanova director kusangano reTalk Cancer Zimbabwe vanoti muzvipatara vanorapa gomarara nenzira yekupisa masero (cells) anenge aine gomarara nokudaro kana ruzivo rwune chekuita nemishonga yechivanhu inorapa gomarara rwukavapo, zvoreva kuti zvipatara zvinorerutsirwa.

“Mwedzi uno waGumiguru ndewekurwisa zvirwere zvegomarara (Cancer Month) saka tinokurudzira veruzhinji kuti vaende kumizinda yedu vachinovhenekwa, kusanganisira vanhurume nevana nekuti chirwere ichi hachina rusarura. Tine shuviro yekuti kudai kwaitawo mishonga chaiyo inopedza gomarara,” vanodaro.

Mutungamiriri wesangano reZINPA, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vane hurongwa hwekuti murapi wese akanyoresa ange achienda kuchikoro kunofundira basa kubva kunanamazvikokota vesainzi.

Zvichakadai, varapi vechivanhu vazhinji vanoti vachiri kutyira kure kuti vange vachidura nezvemakwenzi avo sezvo vanogona kubirwa nevane ruzivo.

Chikwata cheDuramazwi Traditional Group chekuMbare ndicho chakatandadza vanhu pagungano iri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey