Mitambo yeNorthern Region yotanga

09 Feb, 2023 - 11:02 0 Views
Mitambo yeNorthern Region yotanga Sweeney Mushonga

Kwayedza

Abel Ndooka

MWAKA mutsva weNorthern Region Division One uchatanga nemusi wa18 Kukadzi apo zvikwata zvichatanga rwendo rwekurwira kupinda muCastle Premiership gore rinotevera.

Gore rino, muNorthern Region muchange muine zvikwata 18.

Mwaka wadarika, Simba Bhora ndiyo yakahwina tikiti rekupinda muPSL mushure mekunge yapedza iri pamusoro muNorthern Region iri pamberi pezvikwata zvaisanganisira Golden Eagles neHerentals Under 20 izvo zvaiifemera mugotsi mayo.

Gore rino, maziso ese achange ari paGolden Eagles kuti ichakwanisa here kupinda muPSL muna2024 sezvo mwaka wadarika yaidzingirirana zvikuru neSimba Bhora murwendo rwekuenda muPSL.

Mutevedzeri wasachigaro weNorthern Region Division One – Sweeney Mushonga – anoti gadziriro dzekutanga kwemwaka mutsva dziri padanho repamusoro-soro.

Anoti zvikwata zvose zvemuNorthern Region zviri kunyoresa vatambi avo vachafamba navo mwaka uno.

“Gore radarika, kwakatambwa bhora rainwisa mvura muNorthern Region nekudaro mwaka uno tinotarisira kuona kuchitambwa nhabvu yepamusoro kudarika yegore radarika.

“Nhandare dzaigara dzakazara nevatsigiri vaiuya kuzotsigira zvikwata zvavo izvo zvinorakidza kuti nhabvu yekuDivision One inoteverwa zvikuru uye kuri kutambwa nhabvu inonwisa mvura.

“Saka mwaka uno tiri kuda kuona kuchitambwa nhabvu inodakadza uye kuti vatsigiri varambe vachiuya nehuwandu hwavo,” anodaro Mushonga.

Mune mimwe yemitambo ichatambwa pavhiki rekutanga, ichaona Chegutu Pirates ichisangana neMwos FC kuPfupajena kuchiti Golden Eagles ichatatsurana neHerentals U20 FC, ukuwo Trojan Stars ichabandana neCommando Bullets.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey