Uncategorized

MOMBE YORARA PAMUBHEDHA

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
MOMBE YORARA PAMUBHEDHA Bandomu iyo inonzi iri kuisa mashura ekupwanya dzimba dzevanhu ichidya nyama uyewo nekurara pamubhedha

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KWAMAMBO Neuso, kuSanyati, mudunhu reMashonaland West, kune mombe iri kuita zvinogara zvakadaro — inopazira kupinda mudzimba umo inodya zvinenge zvirimo, yonwa mvura inenge iri muchirongo, yozorara pamubhedha.

Vagari vemubhuku raChidhuza vashaya zvekuita nemombe jon’asi iyi sezvo iri kuvaparadzira magonhi edzimba, midziyo nekuvadyira chose chainowana mumba — kusanganisira mbatya nenyama.

Vanoziva nezvemashura aya vanoti zviri kuitwa nechipfuyo ichi zvine chekuita nechivanhu.

Asiwo, nyanzvi dzezvipfuyo nezvirwere zvemhuka dzinoti maitiro emombe iyi anonongedza pakuti inogona kunge iine chimbwamupengo.

Verenga zvekare nyaya idzi:

Ine chimbwamupengo: VET

‘Ichi ndicho chivanhu’

Bhandomu imombe yaVaSmart Chidhuza avo vanoshandira kuSouth Africa semutyairi wemagonyeti, asi maitiro ayo atenderedza vagari vemumusha uyu misoro.

Bhandomu — iyo yakasimba zvinoyevedza uye ine nyanga imwe chete yekurudyi — inonzi yakanopazira ikanopinda mudzimba dzevamwe vagari vemumusha uyu dzinosanganisira yaVaLovemore Chidhuza (55) neyaMai Cathrine Zaranyika (62) umo yakadya zvinhu ndokurara pamubhedha ukasara watyoka.

Stembiso Muzinga

Mubhedha waive mumba wakararwa nemombe iyi – umo mayakatanga yatunga metiresi ichibva yawira pasi – wakasara watyoka mapuranga, ichibva yazopwanya wodhuropu yaivemo.

Svondo rapera Kwayedza yakasvika mumusha uri kuitika mashura aya ndokunzwa zvizere pamusoro paBhandomu.

Mai Stembiso Muzinga (41) – avo vanova mudzimai waVaLovemore Chidhuza – vanoti vakasvikoedza kuvhura gonhi remba yavo yekurara apo vakaita mahwekwe nemombe iyi, iyo iri mumba.

“Mombe iyi yakatanga kumbopinda mubhedhuru mangu ini ndiri kuchechi asi ikaburitswa naamaiguru Tsitsi Masunda. Yakazopinda kechipiri ndaenda kunotengesa donje ndikadzoka ndikasvikowana dhoo rakavharika zvishoma.

“Pandakada kunopinda mumba umu, ndakaita mahwekwe nayo ichitogwedebudza midziyo mumba apo yaidya hupfu nezvimwe kusanganisira mbatya. Ndakavhunduka ndokudududza ndichichema apo yakandimhanyisa ndichibva ndatiza iyo ndokubuda ichidzvova kana kuti kuwomba sezvinoita ngunzi (bhuru),” vanodaro.

Lovemore Chidhuza

Vanoti mombe iyi yakaita gonhi rekutunga ndokuripwanya ikakwachura kii uye pakasvika Kwayedza pamba apa, gonhi iri raisatova nekii.

“Mombe iyi ndeyasekuru vedu. Payakapinda kekutanga yakadya donje, nyama yechimukuyu yaiva murusero, mbatya dzangu, dzevana nedzemurume wangu. Yakadyawo sipo yekuwachisa neyekugezesa, nemuriwo wemufushwa waiva musaga.

“Kechitatu, yakapinda mumba ikaonekwa nemwana wangu Munyaradzi Chidhuza ichidya hupfu, ikapwanya chigubhu chemafuta ekubikisa ndokuanwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Mushure mekupinda mumba mangu katatu, yakazoendawo kwavatete vedu uko yakanopinda muimba yekurara mushure mekutanga yatunga dhoo ndokubvisa matiresi pamubhedha apo yakazokwira ikaumburukapo mubhedha uchibva watsemuka.”

Mubhedha newodhiropu zvinonzi zvakatyorwa naBandomu – Mifananidzo naTertia Makurumidze

Mashoko avo anotsinhirwa naAmos Ndabambi (32) naMunyaradzi Chidhudza (20) vachiti mombe iyi yarura nekupinda mudzimba ichidya zvinhu zvakasiyana.

“Mombe iyi yakabva kumba kwedu yakazoenda kwavatete uko yakasvikotunga dhoo, ndokukwira pamubhedha ikatsika-tsika nekurarapo. Mubhedha wakapwanyika ichibva yaenda kuwodhiropu ndokuipwanyawo ichitunga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey