Uncategorized

Mukadzi kuzviroora: Inoitawo here iyoyo? l ‘Murume anogara achishainirwa’ l ‘Hapana chakaipa, chikuru rudo’

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Mukadzi kuzviroora:  Inoitawo here iyoyo? l ‘Murume anogara achishainirwa’  l ‘Hapana chakaipa, chikuru rudo’ Mbuya Calister Magorimbo

Kwayedza

Mbuya Calister Magorimbo

Mbuya Calister Magorimbo

“AIWA tibvire apa! Uri kuti John akabvisa mari yakawanda chaizvo paakaroora musikana wake Joyce, svondo rapera? Mari yacho akaiwanepi $8 000 yaunotaura kuti akabvisa seroora? John haashande, musvuu zvake uye anoswera achingotevedza doro. Asi kudai wati pamwe musikana wake wacho ndiye akamupa mari yekuroora sezvo ari iye anoshanda pamwe taizvinzwa.”

Mashoko aya aitaurwa naTogarasei Mahuwe apo aikurukura neshamwari yake, Tambaoga Simboti, vari mukombi vachibva kubasa muHarare apo vaienda kwavanogara kuMbare.

Nyaya iyi yakazopedzesira yadavirwa nevaive mukombi iyi apo vamwe vaiti hazvina hunhu kuti mukadzi ape murume mari yekuti anobvisa seroora kumusha kwake.

Nerimwe divi, kune vamwewo vaitsigira kuti hapana chakaipa kuti musikana, kana achiwana zvake, ape murume mari yekuti amuroore nayo.

Svondo rapera Kwayedza yakazoita ongororo pamusoro pekusanduka kuri kuita dzimwe tsika, zvikuru idzo dzine chekuita newanano. Yakataura nevaverengi kukabuda zvakawanda.

VaFreddy Sikenhamo kana kuti Sekuru Makudo (38), avo vanove nhengo yesangano reZinatha vachigara kuEpworth, muHarare, vanoti kare-kare zvairema kuti mukadzi ape murume mari yekuti anomuroora kana zviya zvekuti anotama nemurume achienda kunogara naye kumusha kwake.

“Hatizivi kuti chave chiRungu chawanda muvanhu here kana kuti kudzidza kwakanyanya. Pamwe ndidzo kodzero dzadai kuwanda idzi. Vamwe vanasikana vanotonyepera vabereki kuti mari yechikoro yakwira kuitira kuti mubereki atumire mari, iye oipfuudza kunopa mukomana wake kuti amuroore nayo.

“Iyi ndiyo mhosva huru nekuti pfuma inofanira kushandirwa nemurume kuitira kuti ave nechiremerera nemudzimai wake uye kuremekedza kwaakaroora. Kana akapihwa mari nemukadzi kuti amuroore, zvinotoreva kuti munhu anenge azviroora pachake uye kuvadzimu havazvitambire,” vanodaro.

Vanoti mari yeroora haitumirwe nenzira dzedandemutande seEcoCash, One Wallet kana Tele Cash kana nedzimwe nzira dzechimanje-manje asi kuti inotanga yaitirwa chivanhu.

“Mari yeroora inorara iri mundiro ichidetemberwa kuvadzimu nababa kana imwe hama yeanoda kuroora ichiti, ‘Honai tave kutora mwanasikana wevaridzi kuti apinde mumusha medu, hatidi kuti aite ngozi kana kungofa zvisina tsarukano ari muno mumusha.’

“Ndokusaka kana mukomana ave kuda kuroora anonzi anotanga asvitsa kana $5 kuna baba vake achivazivisa. Mari iyoyo havaidyi, vanoichengeta nekuti ndiyo yavanodeketera vozoisanganisa neimwe yeroora inezenge ichitevera,” vanodaro.

Sekuru Makudo vanoti mari yeroora ikabva kumudzimai kana kuti ikangoendeswa isina kusumwa kuvadzimu, kazhinji wanano yevaviri ava haifambe zvakanaka.

“Kudeketera mari yeroora inzira yekuchenura kana kubvisa mweya yakaipa nekuti kazhinji panoita chakanaka chakadai semuchato kana kubvisa pfuma, ziso remuvengi rinenge riripo. Murume anofanira kudonhedza dikita pamari yeroora asi mazuva ano tinoona vamwe vanasikana vakafunda uye vane mari dzavo vachipa vadikani vavo mari dzekuti vavaroore. Vadzimu vanotsamwa nekuti munogona kuita izvi muchihwande asi pane pazvinozobuda pachena.

“Ndokusaka makare murume ainzi kana asina mari yeroora anotema ugariri kureva kuti ainopihwa basa remaricho semuripo weroora achitogara kumba kwatezvara. Kana apedza basa iri aizopihwa mudzimai wake,” vanodaro.

Vanoshora vakadzi vanobika mapoto nevarume kwavanoroja vachiti: “Murume ndiye anofanira kutora mudzimai achienda naye, kwete mukadzi. Mudzimai akaita izvi anenge angofanana nemunhu aroora murume.

Murume iyeye akafa anenge ave kuda kuripwa uye hazvikodzeri kuti avigwe kudzinza remukadzi nekuti vanenge vasingazivi chivanhu chekwake.”

Sekuru Makudo vanoti vamwe vanhu vakakodzera kubvisa roora kunge mukomana akundikana ndibaba, babamudiki kana tete vake.

“Vanenge vachiita izvi senzira yekuti mumusha mavo musaite ngozi nekuti kana muroora akashaya asina kubvisirwa pfuma ndivo zvakare vanongozoita konde-konde yekubatsira mwanakomana wavo kuroora chitunha.”

Vanowedzera vachiti kune vamwe varume, sevanobva kuMalawi, Zambia neNigeria nevamwe vemuno, vanonogara mumisha yemadzimai avakaroora.

“Vamwewo vabereki vanoti kana vachinge vaita vana vasikana vanovatemera mishonga vachiri vadiki iyo inodaidzwa kunzi ‘zwanamina’ kana kuti ‘inzwa inini’.

Mishonga iyi inoita kuti mwanasikana ave nehutongi kwaanoroorwa zvekuti akangoti kumurume hande tinogara kumusha kwevabereki vake haamborambi. Vave kumusha kwemukadzi, pamusha ipapo panenge pachitodaidzwa zita remudzimai sekuti ‘PaMamoyo’ kwete zita remurume,” vanodaro.

Sekuru Makudo vanotaurazve pamusoro penhaka vachiti pasichigare yainzi inofanira kudyiwa nevana chaivo vemufi kwete vabvandiripo (vana vemukadzi vaakaita nemumwe varume).

VaEmmanuel Dhliwayo (55) veKuwadzana Extension, muHarare, vanoti vamwe vakadzi vari panzara yekuroorwa nekudaro vanozvipira kupa murume mari kuti zvavanoda zvifambe.

“Chinodiwa rudo nekuti kana murume asina mari asi mukadzi ainayo anofanira kubatsira mumwe wake. Asi, chandave kuona mazuva ano ndechekuti madzimai mazhinji ari panzara yekuda kuroorwa kuti vangonzi vana amai nhingi. Saka vanopa varume mari yeroora asi kana vakazonetsana unonzwa mukadzi ave kuti akazviroora,” vanodaro VaDhliwayo.

Amai Hilda Joe (45) vekuGoromonzi vanoti pachivanhu hazvitenderwi kuti mukadzi aroore murume nekuti mudzimai haana musha waanozonoisa murume iyeye.

“Musha ndewe kudzinza remurume saka kana mudzimai akada kuti aroore murume anozonomuisa kupi? Pachivanhu zvinoyera uye imba iyoyo haimire,” vanodaro.

Mbuya Calister Magorimbo (52) vekuDzivarasekwa Extension zvekare vanoti mukadzi ane kodzero yekukweretesa murume mari yeroora asi kwete kuti inge ichirova zvachose.

“Nekuda kwehurombo mukadzi anogona kubatsira murume wake nemari yeroora asi achizomudzorera. Pachivanhu hazvikodzeri kuti mudzimai azviroore kana kuti vana vake vadye pfuma yababa vasiri vavo,” vanodaro.

Mai Loraine Chokuda (56) vekuBuhera vanotiwo hazvina kuipa kuti mukadzi abatsire murume wake nemari nekuti chikuru rudo.

“Mukunamata hativimbi nenyaya dzechivanhu nekuti ukaona mukadzi ave kuzvipira kubatsira murume wake nemari yeroora zvinoreva kuti anomuda uye anoda kuti imba yake imire zvakanaka,” vanodaro.

Asi Pity Dube wekuLower Gweru anoti zvakangokosha kuti murume abvise roora oga.

“Murume ndiye anopfimba mukadzi kuti apinde mumusha make achimuzvarira vana nekushanda. Nokudaro ndiye anofanira kubvisa roora kwete mukadzi,” anodaro.

Sabhuku Victor Manjoro (40) vekwaDotito, kuMount Darwin, vanoti hazvikodzeri zvachose kuti munhukadzi ape murume mari yeroora.

Madzibaba Matthew Mupfumbati (42) vekereke yeUngano yeVapositori vanotiwo kubatsirana hakuna kuipa.

“Nyaya ndeyekugona kuchengeta zvinhu mumoyo nekuti kune vamwe vanozotangisa kufumurana pane vanhu kana vachinge vanetsana. Mudzimai ane mari yake anogona kupa murume wake onomuroora nekuti chikuru rudo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey