Uncategorized

Mukadzi wekuda kutengesa mimba asununguka . . . apa ava kudiwa kunotongwa kwamambo

24 Aug, 2021 - 16:08 0 Views
Mukadzi wekuda kutengesa mimba asununguka  . . . apa ava kudiwa kunotongwa kwamambo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuDomboshava wekubuda muKwayedza achiti aomerwa zvekusvika pakuda kutengesa mimba ine mwedzi misere nekuda kwekuti haana chekubhadhara nacho kuti aitwe oparesheni pakusununguka, akabara mwana mukomana chigwindiri nemusi weChina wadarika mushure mekuvhiiwa muchipatara chemuHarare.

Nyaya yaMai Demetria Mukusa (33) vanogara kwaSabhuku Murove, kwaMambo Chinamhora yakabuda muKwayedza vachiti vanotsvaga munhu anoda kutenga mimba yavainge vakatakura nemari inokwana yaidiwa kuchipatara, ivo vozomupa mwana wavanobara sezvo vainge vasina chekubata.

Mai Demetria Mukusa

Imwe yemari yavaikumbira inonzi ndeyekubhadhara sabhuku wavo kuti vanyorwe mubhuku remusha.
Pakabuda nyaya iyi, vaverengi vakawanda kusanganisira makambani vakabatwa nechikumbiro chaamai ava ndokuti vanofanirwa kubatsirwa.

Nemusi weMuvhuro uno, Mai Mukusa vakaridzira nhare Kwayedza vachiti vakasununguka mwana mukomana.
“Makadiiko veKwayedza, ndati ndikuzivisei kuti kwava nemwana kuno, muzukuru weKwayedza. Ndinotenda nezvamakandiitira, ndakavhiiwa pachipatara cheCBD Specialist Hospital nemusi weChina. Ipo paye pandakabva kumahofisi kwenyu ndakabva ndatorwadziwa ndikanovhiiwa,” vanodaro Mai Mukusa.

Kuti amai ava vawane rubatsiro rwekuvhiiwa kuitira kuponesa ivo nemwana aive mudumbu, kambani yeBakers Inn yakaona bepanhau rino ndokuzvipira kuvabatsira.

“Kambani iri kundibatsira iBakers Inn nevamwe vanhu vakazvimirira. Ndinotenda zvikuru, mwana wangu wandaida kutengesa ndazomusununguka zvisina dambudziko nekuda kweKwayedza nevabatsiri ivava,” vanodaro Mai Mukusa.

Murume wavo, VaGodfrey Chamutinya (41), vanoti vanofara zvikuru nekubatsirwa kuri kuitwa mudzimai wavo sezvo vanga vapererwa.

“Ndinonzwa kufara uye nekutenda Kwayedza nekundibatsira uko yakandiitira kuti ndiwane vanondibatsira kunyangwe dzimwe nguva taitukwa nevamwe vanhu vakationa mubepanhau,” vanodaro VaChamutinya.

Zvichakadai, kunyangwe zvazvo mudzimai uyu ari kufara zvakanyanya zvichitevera kusununguka kwaakaita mwana wake, anoti pane nyaya iri kumushaisa mufaro inova yekushungurudzwa kwaari kuitwa naSabhuku Murove uyo anonzi ari kuda kuti abvise US$300 yekuuchira.

Tsamba

Mari iyi inonzi inobhadharwa nevanhu vanenge vapihwa pekugara vasiri zvizvarwa zvenzvimbo iyi avo vanobva kune mamwe matunhu.

Kwayedza payakashanyira Mai Mukusa kumba kwavo yakawana kuine tsamba yakabva kuna Sabhuku Murove ichiratidza kuti mudzimai muzvere uyu ari kudiwa kudare nemusi weChipiri chino pamusoro penyaya iyi.

Mai Mukusa vanoti havana kukwanisa kuenda kudare iri nekuti vachiri kurwadziwa nekuvhiiwa kwavakaitwa pavakasununguka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey