Mukuwasha akavharwa mbama naambuya ‘. . . ndipe roora rangu’

23 Feb, 2016 - 15:02 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
AMBUYA vanonzi vakawatsura mukuwasha nembama zvakasimba zvikaita kuti aone nyeredzi nekuda kwenyaya yeroora iro vaida kuti abvise. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Trish Manhenga akamhan’arira Macdonald Zisengwe achiti anomushaisa rugare.

“Ndinokumbirawo kuti murume uyu asasvike pandinogara nekwandinoshanda. Zisengwe aimbova murume wangu kwemakore masere apfuura tikaita vana vanosvika vasere tiri pamwe chete.

“Anondishungurudza nekuunza shamwarikadzi dzake pamba kana ndiri kubasa. Haazive kubhadhara rendi uye kutenga chikafu chevana vake. Ndini ndinoita zvese kuti vana vararame.

“Ini handichakwanise kugara naye nokuti chaari kubatsira nacho hapana. Murume wepi asingabatikane nekuti mhuri yake yadyei uye yapfekei? Zvakangofanana nekugara ndega,” akadaro.

Manhenga akati anoda kuti Zisengwe adzose zvinhu zvaaiti akaba zvinosanganisira mekiyi emotokari neterevhizheni.

Zisengwe akapikisana naManhenga achiti: “Ini ndinopikisana nezviri kutaurwa nemudzimai wangu. Manhenga uyu atori mukadzi wangu. Zvaari kutaura zvekuti ndaimbova murume wake inhema, tiri kutogara tose. Chiri kunetsa apa ndechekuti amai vaManhenga vakauya kumba kwatinogara vachibvunza roora vakabva vandirova mbama isingaite. Ndipo pakatangira mhirizhonga yose iyi.

“Ari kufurirwa naamai vake kuita zvose izvi. Makamboonepi ambuya vasingabvi kumba kwemukwasha, ndozvinoratidza kuti amai ava havana kumira zvakanaka.

“Vakarega kuuya kumba kwangu handiite dambudziko nemudzimai wangu. Roora ravari kupengera iri zvitori mugwara, ndizvo zvatiri kumhanya-mhanya kuti zviite.

“Kwaari kuti kubasa kwake manyepo.Tinoshanda pamwe chete, iye naambuya vangu, kutengesa mabhero saka handingarege kuenda kubasa. Rendi ndinobhadhara uye chikafu ndinotenga, inyaya yeroora chete yanetsa apa.”

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Manhenga gwaro redziviriro akati vaviri ava vagarisane uye vataurirane murunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey