Uncategorized

Muporofita akafa akabatwa nemweya

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Muporofita akafa akabatwa  nemweya Madzibaba Silas Nduna (kuruboshwe) vaina Madzibaba Kholisani Sibiya

Kwayedza

Madzibaba Silas Nduna (kuruboshwe) vaina Madzibaba Kholisani Sibiya

Madzibaba Silas Nduna (kuruboshwe) vaina Madzibaba Kholisani Sibiya

MUPOROFITA ane mbiri wekuMarondera anonzi akany’udzwa mudziva nenjuzu akafa apo aishandira mumwewo muporofita ainzi ayauriswa nemunyama.

Muporofita uyu anonzi akangopupurutswa nemhepo ndokuny’udzwa mudziva rinozivikanwa nekuva nenjuzu umo mutumbi wake wakazowanikwa kwapera mazuva matatu.

Nyaya iyi yakaitika ari makuseni svondo rapera pamberi murwizi Rufaro urwo rwunodira mudhamu reRufaro.

Muporofita ainzi Blessing Chizema (28) wechechi yeJohane Masowe Nyenyedzi Nomwe Nguwo Tsvuku, uyo anonzizve aive neshave renjuzu ndiye akafira mumvura.

Ange achigara panhamba 3 mumugwagwa Tsoko kuRujeko.

Muporofita wekufa anonzi akaenda kudziva iri aine mamwe maporofita maviri echidzimai – Madzimai Nelia Ngwerume (37) vepanhamba 3789 Tsono mumusha weRusike Phase 2 naMadzimai Mavis Nyangayi (31) vepanhamba 4014 Zambuko kuPhase 1.

Vanoziva nezvenyaya iyi vanoti Madzibaba Blessing aida kunobvisa minyama nemadhimoni pana Madzimai Nelia, avo vanonzi vane mudzimu nemamwe mashavi anobuda pavari.

Pavaienda kurwizi uku, Madzibaba Blessing anonzi akazivisa vaviri ava kuti iye aiva neshavi renjuzu iro raikonzera kuti ambonogara pasi pemvura husiku achirairwa zvekuita zvose nekusimbiswa.

Anonzi akati anorara pasi pemvura achizodzoka zuva rave kubuda.

Pavakasvika parwizi urwu, zvinonzi muporofita uyu akaudza Madzimai Nelia kuti vapinde murwizi kuitira kuti atange kuvashandira kubvisa minyama nemadhimoni. Panguva iyo mudzimai uyu aishandirwa, zvinonzi pakabva paita mhepo yakasimba yaive nechamupupuri iyo yakavaputira ichitenderera pavari nepadziva.

Mhepo iyi inonzi yakaganhura mvura nechepakati pedziva pakaita sepane ziburi raiva rakangofanana nezvakaita tsime.

Ipapo Madzibaba Blessing anonzi akabva atanga kupinda muburi kana kuti gomba raiva pakati pedziva iri apo aitenderedzwa nemhepo iyi akasimudza mawoko ake mudenga kudzimara any’ura. Mvura inonzi yakavhara ichibva yatanga kuyerera zvekare.

Madzimai Nelia naMadzimai Mavis, avo vanonzi vakange vakagadzikwa pane rimwe dombo mumvura, vanonzi vakabuda kunze kwemvura vachimirira kubuda kwaMadzibaba Blessing semunhu ainge ambovaudza kuti anomboenda pasi pedziva kunosimbiswa.

Vaviri ava vakamirira kusvikira kuma6 zuva rodoka asi Madzibaba Blessing haana kubuda.

Vanonzi vakazoenda kumba vachinozivisa mudzimai waMadzibaba Blessing, Linda Chareka, uyo akati murume wake aimbogara achinorara mudziva.

Vanhu vakazomira kwemazuva maviri vaine tarisiro yekuti muporofita uyu aizobuda asi hazvina kuitika.

Vamwe vanamati vechechi yemurume uyu vanonzi vakazoenda kudziva uku muzuva rechitatu apo vakanowana mutumbi waMadzibaba Blessing uri pamusoro pemvura.

Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa eMarondera Rural mutumbi wemuporofita uyu ndokunyururwa mudziva iri nemapurisa anoshandira mumvura.

Vachitaura neKwayedza, Madzimai Mavis vanoti havasati vamboona kana kusangana nemasaramusi anotyisa sezvavakaona.

“Ndakaperekedza Madzimai Nelia apo takaenda kurwizi naMadzibaba Blessing. Takatanga tasvika kugomo rematangi, ini ndinopinda chechi yeJerusarema yeEnd Cry asi Madzimai Nelia namadzibaba vekushaika ava vainamata vose.

“Tasvika kurwizi uku, Madzimai Nelia vakanzi vatange kupinda mumvura,” vanodaro Madzimai Mavis.

Vanoti vakasvika kurwizi na8 dzemangwanani.

“Madzibaba vakageza kumeso ndokufamba vachienda mumvura vachibva vandimwaya mvura kumeso iyo yakanditosvora zvekutadza kuona. Panguva yandaipukuta kumeso, ndipo pakaitika masaramusi ekutorwa kwavo nenjuzu, apo ndakangonzwa mhepo nemvura yaitinhira ndokuzosvinura munhu atoenda kare,” vanodaro.

“Ipapo pandakasvinura, Madzimai Nelia vakanditaurira zvainge zvaitika vachiratidza paiva panyura namadzibaba ava. Vakati vaiva vapinda muburi apo chamupupuri chakaganhura mvura.”

Vanotizve pavakaenda kunoudza mudzimai waMadzibaba Blessing nyaya iyi, akati zvaisatyisa sezvo murume wake aigara achinony’ura mumvura.

Madzimai Neila vanoti nanhasi vachiri kurohwa nehana nezvakaitika.

“Madzibaba ava vakatorwa vachida kubatsira ini. Zvinorwadza kuti munhu anofa nekuda kwako. Ndinokumbira kuti musanyore nyaya iyi nekuti ndave kudzingwa kuchechi nevamwe vachiti simba randinoshandisa mukuporofita ndere mumvura, renjuzu repasi pemvura kwete rengirozi.

“Izvozvi nhasi ndatombogadzwa dare kuchechi vachiti ndave kushandisa simba renjuzu,” vakadaro svondo rapera.

Madzimai Nelia vakakumbira kumutori wenhau uno kuti anyepe mukunyora nyaya ino kuti vaiva hama yemudzimai waMadzibaba Blessing, kwete kuti vakanga vaenda kunobviswa mashavi ari pavari.

Asi madzimai maviri aya haasi kutsanangura kuti vakanobatsirwa sei kurwizi uku pasina vamwe vanhu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemudzimai waMadzibaba Blessing sezvo akanzi akange aenda kwaMurehwa uko kwakavigwa murume wake.

VaChoruwa Mangwende (41), vanova murume waMadzimai Nelia, vanoti mudzimai wavo ane dambudziko remunyama inosanganisira kushaya pfuma izvo zvaida kubviswa nemushakabvu.

“Pakaitika tsaona iyi ini ndakange ndisipo, ndaiva ndaenda kunhamo kuHwedza. Hapana zvakawanda zvandinoziva,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nezverufu rwemuporofita uyu.

“Tine tsaona dzevanhu vari kuny’ura mumvura mudunhu redu. Saka tinokurudzira veruzhinji kuti vasapinda mumadziva kana kuyambuka nzizi dzizere kana mumadhamu. Kubva mwaka weZhizha uchitanga, vanhu vanokwana 20 vafira mumvura,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey