Uncategorized

‘Musavarairwe, denda richiriko’

26 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
‘Musavarairwe,  denda richiriko’ VaNick Mangwana

Kwayedza

Liberty Dube

NYAYA yekuti vanhu vasaite chitsoko-tsoko nekupfeka mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinoungana veruzhinji nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 richiri dambudziko guru, dzimwe nyanzvi dzinodaro.

Veruzhinji vari kukurudzirwa zvakare kuti vasavarairwe nekuti hondo yekurwisana nechirwere ichi haisati yapera.

Vachitaura kuvatori venhau kwaMutare nguva pfupi yadarika, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, VaNick Mangwana vanoti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho ose akananga kumisa kupararira kweCovid-19.

“Maitiro edu pakunyevenutsa matanho akananga kurwisa kupararira kwechirwere ichi akarongeka nekuti hatingabvise matanho acho ose. Senyika, tange tichiita zvakanaka zvikuru mukudzivirira kupararira kweCovid-19 uye tinofanirwa kuramba tichitevedzera matanho akatarwa aya.

“Apo zvikamu zveupfumi hwenyika zvakawanda zvakavhurwa, hazvireve kuti tochishaya hanya sezvo kune nyaya dzekunyuka kweCovid-19 kechipiri kuri kuitika pasi rose,” vanodaro VaMangwana.

Zvichakasaro, vachitaura pachirongwa chekupa veruzhinji chenjedzo icho chakarongwa nesangano reCommunity Working Group on Health rakabatana nechikamu chinoona nezveutano mukanzuru yeMutare pamwe chete nebazi reutano nekurerwa kwevana, mukushi wemashoko kusangano iri, VaCaiphas Chimhete vanoti zvakosha kuti veruzhinji vapihwe dzidziso yakadzama pamusoro peCovid-19.

Chirongwa ichi chakaitwa mumisha inosanganisira Chikanga, Hobhouse neDangamvura.

“Takazvipira kuona chirwere cheCovid-19 chichipera kuburikidza nekutevedzera matanho akatarwa nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation.

“Chikanga, Dangamvura neHobhouse ndidzo nzvimbo dziri kunyanya kunetsa paCovid-19 maMutare nekudaro veruzhinji vanofanirwa kupihwa chenjedzo pamusoro pechirwere ichi.

“Tiri kuona kuti vamwe vagari vemumisha iyi havasi kupfeka mamasiki zvakanaka. Zvakare, havasi kutevedzera nyaya dzekuti vasaite chitsoko-tsoko. Zvakakosha kuti vasandure maitiro avo aya,” vanodaro VaChimhete.

Chikwata ichi chakamema nzvimbo dzinosanganisira Chikanga Clinic, Chikanga Sports Field Market iyo inogara yakawandwa nvanhu nguva zhinji, Hobhouse neDangamvura.

Muzvare Catherine Berejena, avo vanova mukoti anoona nezveutano hwevanhu munharaunda yeMutare (community health nurse) vanoti, “Hatitarisire kuti vanhu vavarairwe. Chirwere cheCovid-19 chichiriko kunze uko. Ticharamba tichifambisa mashoko ari pamusoro pekuti vanhu vangazvidzivirire sei.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey