Uncategorized

Mwana haadi kuona maroja

04 Feb, 2016 - 21:02 0 Views

Kwayedza

Janet Chikotosa
MWANAKOMA ane katsika kekudzinga maroja pamba zvisina tsarukano apo amai vake vanenge vasingazvizive akazogadzwa dare.

Getrude Muriravanhu akamhan’arira Allois Muriravanhu kuHarare Civil Court achiti anodzinga maroja pamba pake.

“Mwana wangu uyu anoita basa rekushungurudza vanhu vanogara pamba pangu achiti vabve. Pamba apa ndipo pandinowanawo mari yekubatsirikana nayo.

“Ndinoshaya kuti anotsvagei kumba ikoko iye achigara kumba kwasekuru kwaakanzi achengete. Kombi yangu iyo yandaiti ndiyo inondipa mari akaitora achiishandisa akasvika pakuiuraya. Haandione saamai vake nokuti ndikamutsiura haatereri.

“Mwana wangu ndinomubvumira kuti aende kunogara kuGlen View uko kune imwe imba yangu asi anoramba achingouya achindinetsa kwandiri kuHighfield,” akadaro Getrude.

Allois akati amai vake vari kumudzinga pamba paakasiiwa nababa vake.

“Amai zvose zvavari kutaura manyepo nokuti pavari kundidzinga ndipo pamusha pandakasiiwa nababa vangu ndichigara vachiri vapenyu. Vanoda kuti ndibve pamusha wababa vangu handizive kuti vanoda kuti ndigare kupi sezvo ndisingashande basa rine mari yakawanda.

“Chandinongoda kuna amai kuti vandibvumidzewo kugara pamba semwana wawo, handikwanise kugara kuGlen View nokuti mari yekuzoshandisa kukwira makombi kuenda kubasa handina,” akadaro Allois.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Getrude gwaro redziviriro akati vaviri ava vataurirane mune zvakanaka pane zvinenge zvichinetsa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey