Ndakafuma ndakagerwa

12 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:
Sekuru, ndakafuma ndakagerwa vhudzi mubhurugwa. Kubva ipapo harisi kumera uye kubva paitika izvi, basa rangu harisi kufamba zvachose. Kana ndikaita mari, inongotatazika kuparara isina chayashanda. Ndodii sekuru ndashaya zano?

MHINDURO:
Iwe muzukuru, nevamwe vangadaro vaine matambudziko akadai, kugerwa vhudzi husiku – hazvina basa kuti mubhurugwa kana mumusoro – uku ndiko kunonzi kutorerwe njere zvose nedzimu rako navaroyi. Apa wanenge vatore simba rako reupfumi nebudirio yako asi iwe unenge wapfekedzerwa mweya wakaipa unoinza kutambura, hurombe kana hurwere.

Kana varoyi vakatora vhudzi iri, vanonorishandisa kuita mabasa avo kashata asi vachisevenzesa simba rako iwe usingazive. Uku ndiko kuchekereswa.

Ndokusaka uchiona kuti iwewe kubva pawakafuma wakagerwa, mari yako haichabatika, hauna chine musoro chauchaita. Izvi zvinoreva kuti iwewe neupfumi hwako zvava kuperera kuvaroyi vakakugusa vhudzi.

Muzukuru unofanirwa kutsvaga rubatsiro nekukasika. Enda kumahofisi eZinatha kana maporofita echokwadi vakushandire kuti dambudziko rako ripere.

lBvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715942183

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey