Uncategorized

Ndinodya nyama yevanhu: Mwana (13)

15 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Ndinodya nyama yevanhu: Mwana (13) Nakai

Kwayedza

Nakai

Nakai

MWANA wechipositori ane makore 13 okuberekwa wekwaSeke ari kuita kuimba chaiko achizviti muroyi wemandiriri uye anonakirwa nekudya nyama yevanhu iyo yaanotora kumakuva, asi kana vashaya yevanhu anodya yehuku kana yedzimwe mhuka iri mbishi.

Achishanda nevamwe vake mukuroya, mwana uyu anoti vanovhura magonhi anenge akakiiwa vachipinda mudzimba dzevanhu vasingaonekwe.

Kasikana kanopinda chechi yeJohanne Marange zvose nevabereki vako aka kakatosiira chikoro muGrade 5 kuti kanyatsova “kamuroyi kakazara” izvo zvasiya vagari vekwaSeke vanoziva nezvenyaya iyi vasinganzwisise kunobva simba remwana uyu.

Nakai, uyo watisiri kuzodura nezita rake chairo nekuda kwezera rake, ari kugara pamba panoroja sekuru vake mubhuku riri pedyo pedyo neChitungwiza, asi vabereki vake vachigara kwaMusami, kwaMurehwa, uko mwana uyu anoti anombonodyirawo nyama dzevanhu aine vamwe vake.

Nemusi weChina svondo rapera, Kwayedza yakazvionera pamhuno sefodya apo kasikana aka kakabatwa neshavi vatori venhau varipo ndokutanga kuzvizunza kachibvunda uye kakawudyura maziso kutarisa mutori wenhau uno kumeso.

Ari pakati pekutsanangudza matapiriro anoita nyama yemunhu kuvaroyi, Nakai akangotanga kugwinha-gwinha achifinyamisa kumeso apo aiti: “Ndakapihwa huroyi nevamwe vakadzi vekumusha kwedu kwaMurehwa, vavakidzani vekumba kwedu. Vakandipa vanosanganisira Sabina, Mirika, Florence neTracey.

“Vainditora kumba husiku ndakarara voenda neni kumakuva uko tainodya nyama yevanhu. Pakutanga, vaiita zvekundidyisa kusvikira ndave kudya ndoga uye vose ndeve kumusha kwedu uko tinoenda takawanda nevamwe vatinoroya navo.

“Kuno kuHarare ndine vamwe vandakasvikowanana navo vandinoroya navo.

“Tikashaya nyama yevanhu tinogona kana kuuraya huku dzevanhu vasingazive tichidya nyama yacho iri mbishi. Kana mombe chaidzo munodzishaya.

“Nyama yevanhu tinodya iri mbishi kana yakagochwa uye ndizvo zvatinoitawo yehuku kana yemombe, tinogona kuidya iri mbishi kana yakagochwa. Vakuru ndivo vanotanga kudya vozotipa vatoguta.”

Nakai anoti vanogona kana kuroya masikati chaiwo veruzhinji vasingavaone.

“Dzimwe nguva tinofamba semhepo, hapana anogona kutiona. Kana ndirere mumba, ndinotonzwa mazwi munzeve dzangu kuti vamwe vangu vauya vachindishevedza. Ndinobva ndabuda ndichisiya vamwe vakarara pasina zvavanoona kana kunzwa,” anodaro.

Nakai anoti anogona kutiza pamba achimhanya semhepo chaiyo zvekuti kunyangwe vanhu vakuru havagone kumubata.

Nakai, achiratidza kuti panguva iyi ainge akaputirwa neshavi, akaramba kutsanangura zvimwe zvaanonzi akambotaura — zvekuti ndiye akakonzera rufu rwemwana kasvava kasekuru vake avo vaari kugara navo.

Kanzura wenzvimbo iyi, VaTichaona Munhuwepi (42), vanoti dambudziko remwana uyu vakariudzwa ndokunotaura naye nasekuru vake.

“Ndakashevedzwa kumba kunogara Va(zita rasekuru vacho) sekuru vemusikana uyu avo vaiva nemwana akanga afa ari mucheche, ndikaudzwa kuti paiva nenyaya yekuti kasvava kakanga kakafa aka kaiva karoveswa nenyoka mumusoro nemuchiuno naNakai kachibva kafa. Ndichitaura nemwana uyu, akabvuma zvose akati aiva adya nyama yekasvava aka akasiya musoro chete uyo wakazonovigwa kwaMurehwa kunobvawo vabereki vemufi uyu,” vanodaro kanzura Munhuwepi.

“Ndakataura nababa naamai vemwana kasvava kaiva kafa vakandiudzawo zvimwe chete kuti ndiyo nyaya yaivapo, kuti kasikana aka (Nakai) kaiti kakauraya nekudya nyama yekasva aka. Nyaya iyi handisati ndaiendesa kwaMambo Seke asi mushure memazuva mashoma ndichaita sekudaro.”

Pakasvika Kwayedza pamusha uyu, yakawana vabereki vaNakai vasvika vachibva kwaMurewa kuti vazofamba naye nekuda kwedambudziko riri paari iri.

Baba (72) naamai (30) vake (mazita tinawo) avo vanobva mubhuku raChitsaga, kwaMusami, vanoti mwana uyu akangotanga kuita zvinhu zvaishamisa achishaika pamba husiku achizodzoka. Dzimwe nguva aivatiza achiti ainge atorwa nevamwe vake.

“Ndinototsvagawo rubatsiro kuruzhinji rweZimbabwe nenyaya iyi. Mwana wangu zvakangotanga achitiza pamba zvekumhanya zvekuti aisabatika achitaura kuti anoroya.

“Anoti anodya nyama dzevanhu nekuenda kumakuva nevamwe varoyi. Isu tinonamata Johane Marange asi dambudziko iri maporofita ekuchechi kwedu vatadza kuripedza. Ndafamba mari yapera,” vanodaro baba vacho.

Dambudziko iri rinonzi rakatanga muZhizha gore rapera apo mwana uyu aiita Grade 5 zvikaita kuti asiire chikoro panzira vachigara naye kwaMurehwa.

“Achitaura anoti vakawanda vaanoroya navo,” vanowedzera amai vaNakai.

VaCosmas Kubuya (40) vanova mugari wekwaSeke uyewo vari muzvinabhizimisi kwaMakoni, kuChitungwiza, vanoti havana kumbobvira vaona mashura seari kuitwa nemwana uyu.

“Ishungu dzedu kuti mwana uyu abatsirwe uyewo zvinoda kuti vane masimba ekubatsira nekuona dambudziko iri vabvise mweya uyu pamwana, araramewo sevamwe vana. Anoda kudzokera kuchikoro nekuzowanikwawo kwete kuitisa mwana zvinhu zvakadaro. Ndinoti vaye vanozviti vanobatsira pamweya ngavaone zvekuita nemwana uyu,” vanodaro VaKubuya.

MuZimbabwe mune maporofita akawanda ari kuita minana yekubvisa mamhepo neminyama pavanhu vakaita saNakai asi vamwe veruzhinji vanosara vaine mibvunzo isina mhinduro pamusoro pemasimba emaporofita aya.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey