Ngozi hadzisi ngirozi

30 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
IYO mweya yatinongonzwa kuti mweya wati, kana kuti munhu akanzi nemweya zvakati, mweya rudzii?

Mweya wemuvhiri rebhasikoro here unongozonzi wabuda, wapera kana kuti waenda? Kana kuti mweya wechibharuma chinoti chikasasungirirwa chinobhururuka chichienda kwese kwese?

Mweya iri pakawanda — mweya yengozi, mweya yetsvina, mweya yemashave, mweya yemanyawi nemanyemwe nekuonererwa nezvimwe zvakadaro. Asi mweya yezviporofita zvakauya izvi iri kuuraya, kurwadzisa, kutambudza nekukuvadza vanhu.

Kune mweya mizhinji iri kutenderera panyika sechamupupuri ichitosvora vanhu. Mweya iyoyo ine tsvina, mavhu nemarara, asi iri kunzi nevamwe vanhu mweya waMwari, nyangwe ichiwisira vanhu mumakoronga nekubhinya mweya yavo.

Svondo rapera iro Kwayedza yakaburitsa nyaya yevagari vemuMbare avo vakaita chipatapata vachienda pazambuko remurwizi Mukuvisi kunoona paicherwa nemapurisa nevamwewo vanhu mushure mekunge mumwe muporofita ati ngirozi yaimuratidza kuti ndipo pakafushirwa mutumbi wemumwe mwana akatsakatika mugore ra2013 apo akapondwa nehama yake inoromba.

Asika, murume anonzi muporofita uyu anoshanda nenzira inorwadzisa vanhu. Amai vane mwana akatsakatika ava vari kutsvaga kunzwisisa zvakaitika kumwana wavo. Mwana wavo kwete huku yavo!

Ipapo mumwe munhu ndipo paanotamba nekurwadziwa kwavo, nekushaikirwa kwavo kuti avaudze kuti, “Ndiri kuziva kune mabhonzo emwana wenyu.”

Kutaura kwakadai kunocheka-cheka mwoyo nekuti kunopa tariro yenhema, asi panguva imwe chete kuchimutsa ruvengo nehama dziri kupomerwa mhosva yekuuraya mwana uyu.

Mubvunzo unenge wavepo wave wekuti, kana chiporofita chichinyepa sezvakaitika apa kuti cherai pasi pezambuko, ko vamwe vanhu vanoenda kumasowe amadzibaba ava vari kuudzwa manyepo akawanda sei? Muporofita uyu, panzvimbo yekubatsira, ari kuuraya vanhu, ari kupesanisa nekukanganisa zita raMwari.

Mumasowe umu ndakambodarikawo nemo, mune vanhu vari kushandiswa nemweya yakasiyana-siyana, asi isiri mweya waMwari. Mweya iyoyo inonyepa, inorasisa, inovenganisa nekugarisa vanhu vachitya.

Asika, Mwari havanyepe, havarasise, havavenganise uye vanopa runyararo nerugare.

Mwari havaomerwe kana neMetsi dzeZimsec kana Cambridge, havadi calculator. Mwari vakaudza hove kuti dzipinde mumambure evabati vehove, dzikateerera. Vakaraira mhepo kuti inyarare, ikanyarara.

Mwari ivavo vanoverenga nyenyedzi mudenga, vagodzishevedza nemazita adzo. Kana nevhudzi remumusoro mako chairo vanokuudza kuwanda kwaro.

Zvino chipafungai, mumwe munhu kana achiti ane mweya waMwari wekuporofita, anozoti “ngirozi yapotsa” chirudzii? Kana zviri zvaMwari hazvinyepe, hazvirasike. Chokwadi chaMwari chiri mushoko raMwari kwete mumweya inodzungaira pamusoro penyika.

Asi nesuwo vanhu, nyangwe tichisangana nenhamo nematambudziko, zvimwe zvinhu zvinotibatsira chii kana tikange tazviziva? Kana mwana akatsakatika, tikaudzwa kuti ihama yakamuuraya, hakusi kudyara mhodzi yeruvengo here?

Ko Mwari havati kurwa nekutsiva ndekwangu here? Chinangwa chechiporofita chinopesanisa ndechei? Chiporofita chinodzinga runyararo rwese. Chiporofita ngachigadzirise dambudziko, kwete kuvhura maronda ari kuora asi chorega kuarapa.

Ngatidei Mwari kudarika kuporofitwa. Jesu anoda kuti tivimbe naye, kwete kuvimba nemadzibaba kana tsananguro dzinomonyorora chokwadi. Hadzisi nguva dzese dzatinowana zvatinoda. Dzimwe nguva Mwari vanotitorera zvinhu zvatinodisisa kuti vaone kuti tinoita sei? Kuti tivimbe nazvo zvakanyanya, kudarika kuvimba nekundiso netsananguro. Mwari vanoziva zvatinoda. Inguva zhinji dzinoenda vanhu kumasowe vachirwadziwa nemusoro, asi muporofita otanga kutaura zvimwe zvinhu zvisinei nemusoro uri kurwadza.

Dzimwe nguva kurasikirwa kwedu nyangwe kuchirwadza, kunoda kuti tiende kuna Mwari kwete kuvanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey