Uncategorized

Ogara nemuswe webere, ‘list’ yevanofanirwa kufa nevakafa

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Liberty Dube
IMWE mhuri yekuNyanga inoti yaoneswa ndondo nezvinhu zvinofungidzirwa kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo izvo zvinonzi zvauraya vanhu vemhuri iyi 10 ndokusiya vamwe vapata misha.

Chiri kunyanya kutyisa ndechekuti pamusha uyu pachangobva kuwanikwa hari yainge izere neropa risingazivikanwe kuti nderei, tsvimbo yakasungirirwa muswe webere, “list” ine mazita evakafa nevamwe vanofungirwa kuti vari munzira yekufa uye mimwe mishonga.

Zvinhu izvo zvinonzi ndezvemumwe wemhuri iyi.

Vamwe vemhuri iyi vakanotsvaga rubatsiro kune mumwe muporofita uyo anonzi akavaudza muridzi wezvidhoma izvi.

Mhuri yekwaNzvenga yasvika pakunogara kumba kwaMadzibaba Sherpherd Nzira iri kuHobhouse, kwaMutare.

Muporofita uyu anonzi akabvisa zvinhu zvinoshandiswa mumabasa ehuroyi zvinosanganisira chimwe chaanoti chikwambo, nduni yaiva yakasungirirwa muswe webere nehari yainge izere neropa pamusha pemhuri iyi.

Zvinhu izvi zvinonzi ndezvemumwe wemumhuri iyoyi (zita rake tinaro).

Vamwe vemhuri yekwaNzvenga avo vakataura neKwayedza mushure mekuchenurwa kwemusha wavo vanobuda pachena kuti mumhuri yavo munongofiwa zvisinganzwisisike uye vari kusangana nematambudziko makukutu muupenyu hwavo.

“Vanhu vemumhuri medu vanongofa zvisinganzwisisike uye takazoona kuti pane huroyi huri kuitika. Tange tisiri kuziva kuti ndiani akonzeresa kufa kwevanhu 10 vemumhuri kusvika tanozvitsvaga apo pakazobatwa munhu anozviita.

“Ndakambomubvunza kare uye ndaisirota munhu iyeyu achiedza kundibaya nebanga.

“Zvakanyanya kutityisa ndezvekuti muhari yaakabatwa anayo yacho, maive nebepa raive nemazita evanhu vakafa zvisinganzwisisike vemhuri yedu kozoti evamwe avo vari kurongerwa kunzi vagofa.Tinovimba kuti kuchenurwa kwatakaita uku kuchapedza matambudziko edu semhuri,” vanodaro VaFrancis Nzvenga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey