Uncategorized

Orohwa namadhamu pakati peguta

18 Feb, 2021 - 12:02 0 Views
Orohwa namadhamu pakati peguta Florence Tiho

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vaive mukati meguta reHarare vakaona bhaisikopo remahara nemusi weChishanu chadarika apo mumwe mudzimai akabatikidza murume wake — uyo ane chipari chemadzimai matatu — achitengera vahosi chikafu chehuku ndokumuwatsura nembama achimupomera kuti haazi kumuchengeta zvakanaka pamwechete nevana vake.

Kwayedza yakasvikira nyaya iyi iri pakati pane chimwe chitoro chinotengesa chikafu chezvipfuyo chiri mumugwagwa waKenneth Kaunda apo mudzimai uyu aidya marasha achipengera murume wake.
Mai Florence Tiho (40) vanogara kuHatcliffe, muguta reHarare, vanoti murume wavo, VaArnold Mapuranga, havazi kuvachengeta zvose nevana vavo.

VaMapuranga pavakaona Kwayedza, vakasvetuka vachibuda mumotokari yavo vachibva vanohwanda muchitoro chinotengesa chikafu chezvipfuyo ichi.

“Ini ndiri mukadzi wechipiri wemurume uyu, pamadzimai matatu. Inini nevana vangu haasi kutichengeta zvakanaka, tinofamba netsoka kupinda muguta asi iye murume wangu aine motokari.
“Apa ndamuwana pano achitenga chikafu chehuku dzekumba kwaamaiguru vanogara kupurazi rekuChuru, muno muHarare. Mukadzi wekupedzisira akatengerwa firiji itsva svondo rakapera asi ini nevana vangu tichidya nhoko dzezvironda,” vanodaro Mai Florence Tiho.

Vanoti Mai Bridget Mirriam — avo vanova vahosi pabarika ravo — vanobatwa zvakare nekunze kweruoko uye murume wavo anonyanya kuda nyachide.

“Ini naamaiguru haachationa sevanhu, ava kuda iye nyachide wake waanotengera zvose zvaareva. Izvozvi ndauya nemwana muno mutaundi netsoka ndikatenga chingwa kuti mwana adye ichi chaari kutemura, ndikazomuti atengere mwana dhiringi chairo akaramba asi iye achitenga chikafu chehuku pano.
“Maiguru Mai Bridget Mirriam neni tiri kudya nhoko dzezvironda nevana vedu apo mainini Marry Mupebvu ndivo vari kugara zvakanaka nevana vavo,” vanodaro Mai Florence Tiho.

Vanoti vane hurongwa hwekumhan’arira murume wavo kumatare kuti vapote vachipihwa mari yemendenenzi yekuti vakwanise kurarama zvakanaka.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaMapuranga sezvo vakaramba vakahwanda muchitoro chinotengesa chikafu chezvipfuyo ichi.

Madzimai maviri emurume uyu haana kukwanisazve kutaurwa nawo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey