Uncategorized

Oworora matsotsi . . . Akarutsa hove dzekuba, mumwe akazvara katsi

05 Nov, 2020 - 10:11 0 Views
Oworora matsotsi . . . Akarutsa hove dzekuba, mumwe akazvara katsi Mbuya Mabaya

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi ari kuHONDE VALLEY

MUPOROFITA wechidzimai wechechi yeZion anogara paHauna, kuHonde Valley, mudunhu reManicaland anonzi ari kuworora mbavha dzinenge dzabatwa nemuteuro kana kuti nerukwa rwake nekudzirova nemupuro weshamhu pajekerere.

Mbuya Mabaya kana kuti Doreen Kaso (54) vanonzi vanoshandisira matsotsi muteuro unoita kuti vaone masaramusi zvichizoita kuti vadzokere kunozvipereka kwavanenge vaba.

“Ndine zvakawanda zvandinoita muno pakuranga matsotsi. Ndine imwe mbavha yakanoba hove dzemumwe munhu, muridzi wehove ndokuuya ndikagadzira mhiko dzangu. Munhu iyeye akazotanga kurutsa hove idzi kusvikira akauya kwandiri achikumbira ruregerero ndikazoenda naye kuHauna uko ndakanomurova neshamhu ine tsarapu kashanu uye vanhu vakatarisa.

“Ipapo zvinobva zvapera zvose, ndiko kupinginura kwandinoita mbavha dzose idzi – vobva vaita zvakanaka,” vanodaro Mbuya Mabaya.

Kunze kwekurova, vanoti mbavha idzi vanodzikanyisa zvidhinha kudzimba dzevanhu vavanenge vabira uye nekuzvipisa sechirango.

Zvisinei, Kwayedza haina kukwanisa kuwana umboo hwemamwe emakororo anonzi akaba akazopinginurwa nemuporofita uyu kuburikidza nekurikitwa neshamhu pajekerere.

Mbuya Mabaya vanoti pambavha dzose dzavanogadzira dzichizodzoka dzichikumbira ruregerero, hapana wavanoendesa kumapurisa.

“Ndine murume wandakagadzira uyo akanga ashereketerwa nemumwewo murume vachirwira shamwarikadzi ndokutanga kuzvimba dumbu kuno kuHonde Valley. Ndakamushandira mudumbu make mukazobuda katsi mbiri, imwe ikatiza, zvikaitika muno maSabhuku Kwesa.”

Mbuya Mabaya vanoshora dzimwe n’anga dzinonyengera matsotsi kuti aitire tsvina mudzimba dzavanenge vaba vari musvo kuti vasabatwe nemapurisa uye vamwe vachiba vasina kupfeka, izvo zvavanoti huroyi.

Vanoti vakatanga zvekuporofita mugore ra1985.

Mbuya Mabaya vanoti pane mudzimai aiva nepamuviri uyo akazoenda kunobatsirwa navo vakagara naye kwemwedzi miviri uye akazoguma abereka chimupanzi icho vakauraya.

Kune mumwezve mudzimai wavanoti vakamusungutsa kamuremwaremwa.

“Zvakawandisa zvandinoita mukubatsira vanhu, ndisati ndaroorwa ndiri mhandara ndakasunungutsa madzimai 38 vana vakabuda vose vari vapenyu,” vanodaro.

Mbuya Mabaya vanoti sezvo vachibatsira madzimai akazvitakura, vanokumbira rubatsiro rwezvekushandisa semagirovhosi kuitira nyaya yekuchengetedza hutsanana..

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey