Uncategorized

Ruva romushaisa rugare

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Ruva romushaisa rugare Thompson Luke achitaridza paiva pakadyarwa ruva rinonzi rakazonyangarika Panzvimbo inonzi pari kudzurwa zvirimwa nenzira dzine masaramusi - Mufananidzo naTertia Makurumidze.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wemuHarare anoti aoneswa nhamo neruva furauzi chairo iro akagashidzwa neimwe hama yake yepedyo, iye ndokuritambira nemawoko maviri, asi nhasi rave kumuonesa ndondo.

Anoti kubva paakapihwa ruva iri, iye ndokurisima pamba pake mumusha weBudiriro, haasisina rugare sezvo achigara achiriona richimudzingirira apo rinenge richinganduma kubvira moto.

Thompson Luke (31) anoti akapihwa ruva naSandra Tirivangani (31) uyo anova amaiguru vake mudzimai wemukoma iro akanosima kumba kwaari kugara kuBudiriro 1 Extension.

Asi amaiguru vake ava vari kurambisisa nyaya yeruva iri, vachiti ivo vakamupa kamuti kekuti anosima bedzi.

Vanoti nyaya dzemuramu wavo ndedzekuronga nechinangwa chekuvasvibisa sezvo paine nyaya dzekurwira pfuma yenhaka.

Asi Thompson anotsika madziro achiti maiguru vake Tirivangani ndivo vakamupa ruva iri regreen uye riri nyoro vakamuti arisime pachivanze pake.

Thompson anoti izvi zvakaitika mazuva mashoma vachangobva mukuviga mukoma wake Thomas Luke, kuMbudzi, muHarare.

Thomas ndiye anga ari murume waTirivangani.

Achirondedzera nyaya yake kuKwayedza, Thompson anoti mushure mekurisima, ruva iri rakazongotsakatika paainge aridyara asi hapana kusara zviratidzo zvekuti rainge radzirwa.

Anoti akaudzwa kuti ruva iri raiva rabva kune vakavabatsira kuviga mukoma wake.

“Ndashaiswa mufaro neruva iro ndakapihwa namaiguru vangu, vakanditi ndiridyare izvo ndakaita. Vakandipa mushure memazuva mana taviga wemukoma wangu Thomas kuMbudzi uyo akafa asina kurwara.

“Ndarisima kudaro, mangwana acho ruva iri rakafuma risipo uye pasingaonekwe kuti pakadzurwa kuita sekunge pakanga pasina chinhu,” anodaro Thompson.

Anoti mukoma wake asvitsa mwedzi mitatu ashaika uye iye haana rugare kubva panguva iyi sezvo achiona ruva iri richiuya kwaari apo anenge arere richibvira moto.

“Kubva pandakapihwa ruva iri, handina rugare. Musi wandakaridyara ndakangopedza mazuva matatu apo mumba makauya nyuchi dzakawanda idzo dzakazara pamusoro pemagumbeze ataiva takafuga dzimwe ndokuenda pasi pemubhedha dzimwe dzikaungana pamahwindo.

“Takamuka mangwanani ndokuona dzizere pamubhedha nepahwindo asi hatina kuona kuti dzakapinda nekupi. Hadzina kutiruma tose ini, vadzimai vangu nemwana. Ndakangomuka ndokuburitsa mhuri yangu panze apo ndakatsvaga purasitiki ndikadyorera nyuchi idzi imomo ndokuenda nadzo kuhama yangu kuHighfield uko ndakanovaratidza vakatyawo nazvo.

“Ndakadzoka nadzo kumba ndikanodzipisa, asi hapana kana imwe chete yakaruma ini kana mhuri yangu,” anodaro Thompson.

Murume uyu anoti anonzwa gonhi repamba pake richidhonzwa nekunze apo vanenge vari mumba uyewo kana vari kunze rinovharwa nemukati.

“Izvozvi mudzimai ndakatomutamisa pano, akaenda kuhama dzedu kuHighfield nekuda kwemasaramusi aya. Ndinoona mukoma wangu akafa uyu achiuya ndakasvinura kana kuti ndakakotsira. Kamwana kangu kanoona zvakare mukoma vakashaika ava sezvo tichinzwa kachiti ‘daddy vakuru avo’. Saka ndava kugara ndoga pano nekuda kwenyaya idzi,” anodaro Thompson.

Anoti anoona ruva iri richiuya kwaari richibvira moto richiita sekunge rinoda kumupisa.

“Kwandinofamba ndiri kunzi randakapihwa harisi ruva asi kuti chikwambo nemishonga yekuromba. Mumba medu takaberekwa tiri 7 asi zvino tangosara vaviri – ini nehanzvadzi yangu Maria Kawosa. Amai nababa vakafa vachitevedzana, zvimwe chete nemafiro akaita vamwe vana vemumba medu.” 

Thompson anoti pamba paari kugara apa ndepemukoma wake akashaika uye imba yevabereki vake iri kuNenyere Flats, kuMbare.

“Kubva pandakapihwa ruva iri, pamba pano ndinonzwa pachifamba vanhu pamusoro pemba vachitaura uye vamwe vachifamba panze vachiita sevanomhanya vachitenderera imba. Ndikabuda panze hapana chandinoona.

“Kwandiri kuenda ndiri kunzi chandakapihwa ndichinzi iruva raisava ruva asi kuti chikwambo kana kuti tokoloshi. Kurishaya uko ndakaita zvinonzi rakadzokera kumuridzi waro saka nyaya hombe ndeyekuti ndinoda kubatsirwa,” anodaro Thompson.

Pamba apa panonzi pari kuuya chinhu chine matsimba anenge ebere kana kuti egava icho chinodzura muriwo zvose nehanyanisi nezvimwe zvirimwa.

“Ruva iri rinonzi rine hasha zvikuru uye riri kutoda kuti pawane anofa mumhuri medu. Zvino panosara aniko sezvo tangosara ini nasisi vangu?”

Thompson anoti ave kutadza kuenda kubasa sezvo achirwara zvekupera simba zvekutadza kufamba.

“Ndakaita nguva ndichitadza kuenda kubasa nekurwara uko ndaisanzwisisa, zvakatanga apo ndakanga ndagashidzwa ruva iri. Kana vakava varoyi ndinoti dai vatiregererawo,” anodaro.

Thompson anoita basa rekuvaka mubazi rezvekuvaka muHurumende.

“Izvozvi ndinorwadziwa nemakumbo ndichisvipa ropa nguva zhinji,” anodaro.

Mumwe foromani kubasa kunoshanda Thompson – uyo akaramba kutaura zita rake – anoti murume uyu anorwara zvinoshamisa zvimwe zvacho zvaanoti zvinomutadzisa kushanda.

Kune vanoda kubatsira Thompson vanogona kuridza nhare dzinoti 0773 188 428 kana 0712 545 008.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey