Uncategorized

Sahwira ndiye ane yese . . .‘Anondipa mari Zvose nerudo’

25 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
Sahwira ndiye ane yese . . .‘Anondipa mari Zvose nerudo’ Vakabatwa nerukawo James Nyamande Priscilla Chimuti Passmore Tashinga Mifananidzo naKingstone Mapupu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI akaroorwa, nechikomba chake avo vose vanogara mubhuku raMudhokwani, kwaChihota, vari kuyuwira nekurwara nemudumbu vachiita kudurura manyoka asiri kumira mushure mekunzi vateyewa nemushonga werunyoka nemuridzi wemukadzi uyu.
Vose vari kugara vakapfeka mapamper nekuda kwemanyoka avari kuita.
Priscilla Chimuti (35) nechikomba chake Passmore Tashinga (34) — uyo anova sahwira wemurume wake — vakawanikwa neKwayedza svondo rino vari kune imwe n’anga yekuChitungwiza uko vari kutsaga kubatsirwa kuti runyoka urwu rwubviswe.
Asi mudzimai uyu anobheja achiti chinomutuma kudanana nasahwira imhaka yekuti ndiye anomugitsa pazvose zvaanoda — mari nerudo — izvo zvinotadzikwa nemurume wake.
N’anga iri kushandira vaviri ava inobvuma kuti ndiyo “yakasota” mudzimai wemuridzi uyu mushure mekunge murume wake akumbira kubatsirwa.
Vaviri ava vanodura kuvatori venhau kuti vapfidza nekudurura manyoka asingamire mushure mekunge vashereketa vose.
Chimuti nechikomba chake — avo vainge vakapfeka mapamper pavakasvikirwa neKwayedza — vanobvuma nyaya yavo Tashinga achiti azvipira kuripa sahwira wake nemombe.
Chimuti — uyo anove mudzimai waJames Nyamande (39) — anoti ari kudanana nechikomba ichi, icho anoti chinomupa mari nerudo pamusoro.
“Iye murume wangu anongoda migoti nemisika yake bedzi izvo zvaanotengesa asi achitadza kundigutsa. Sahwira wake ndiye wandakazodanana naye, tatova negore tichidanana,” anodaro.
Zvisinei, Chimuti anoti iye nechikomba chake vapfidza nekuda kwerunyoka urwu.
“Ndaisaziva kuti kudanana kwedu kuchabuda nekuti taizviita murume wangu aenda kunotengesa migoti. Handina kuziva kuti murume wangu ava kuziva zvatiri kuita nasahwira izvo zvakazomuita kuti atsvage mushonga wekundisota.
“Ari kubvuma kuti akandigadzira. Anoti akaenda kun’anga yekuChitungwiza uko akanonzi atore chipfeko changu chemukati icho chakanogadzira zvikonzera kurwara kwedu nechikomba changu tichipanza,” anodaro Chimuti.
Anoti anopihwa mari nechikomba chake Tashinga, uyo akarambana nemudzimai wake asi ane vana vaviri nemukadzi akaenda.
“Ndakashaya bhurugwa rangu idzva mumba ndokufunga kuti zvichida rakatorwa nemakonzo. Ndakazoziva tave kurwara, murume wangu ava kunditi ndibude pachena nehurwere uhwu apo akanditi ainge afamba mushure mekunzwa runyerekupe rwekuti ndine chikomba.
“Ini ndakamubudira pachena ndikashevedza chikomba changu Tashinga tose tikabvuma nyaya yedu,” anodaro Chimuti.
Tashinga anoti dambudziko ravo rakatanga nemusi weMugovera wakadarika apo vakaenda musango ndokunoshereketa nemudzimai wasahwira wake uyu. Ndipo paanoti vakatanga kunzwa kunhuhwa kwetsvina asi ndokusaziva kuti chaiva chii.
Mushure, anoti vakazoona mukonde wetsvina yemunhu nyoro uyo waiva panzvimbo yavainge vashinhira ndokutadza kuziva kuti yaiva yaitwa nani pakati pavo.
Tashinga anoti ipapo vose vakabva vatanga kurwadziwa nemudumbu vachiita manyoka emvura.
Kunze kwekuita tsvina isingaperi, vaviri ava vanobuda pachena kuKwayedza kuti vari kufufutirwa mudumbu kuita sevakazvimbirwa uyewo mudzimai uyu anoti ari kunzwa sekunge anoda kusununguka mimba yasvika achibuda ropa kusikarudzi.
Chikomba ichi chinotiwo sikarudzi yacho yakazvimba zviri kukonzera kuti atadze kufamba nekugadzikana.
Tashinga anoti ndiye akatopfimbwa nemudzimai uyu achiti aigara achimuudza kuti murume wake nguva zhinji anenge asipo aenda kunotengesa migoti nemigwaku.
“Ini ndinowirirana zvikuru nemurume wemukadzi uyu, uye tinonwa doro tose. Amai ava vaindirezva apo ndakavapa mafuta ekubikisa 2 litres ivo ndokurega kudzora. Ndakazovapa zvakare US$5 nebhagidhi rechibage izvo vasina kudzora zvakare.
“Semurume, ndakazongodanana navo,” anodaro.
“Ini ndinorarama nekuita mabasa emaricho nekurimawo garden apo ndinowana mari yakadarika yasahwira wangu murume wemukadzi uyu. Saka ndakawana mukana wekudanana nemukadzi wake, asi nezvandakaita ndozvandava izvi, ndinokumbira ruregerero kuna sahwira wangu nekumutorera mukadzi. Ndave kurwara,” anodaro Tashinga.
Nyamande anoti akaendera vaviri ava kun’anga apo akatora chipfeko chemukati chemudzimai wake icho akanogadzirwa nemishonga.
“Ndakatora chipfeko chemukadzi wangu chemukati icho ndakanogadzirisa kun’anga musungo wangu uchibva wabata. Izvozvi vari kuita manyoka asingaperi uye vave kugara vakapfeka mapamper,” anodaro Nyamande.
Anoti akazofunga zveku”sota” mukadzi wake mushure mekunge anzwa runyerekupe rwekuti anodanana nasahwira wake.
“Vanhu vakaita nguva vachinditaurira nezvekudanana kwemukadzi wangu neshamwari yangu iyi. Ini ndinoveza nekutengesa migoti saka nguva zhinji ndinenge ndisipo pamba izvo zvinoita kuti sahwira wangu uyu apfimbe mukadzi wangu.
“Ndakazonzwa nezveimwe n’anga yekuChitungwiza uko ndakaenda ndikanonzi ndiuye nebhurugwa remukadzi wangu izvo ndakaita. Vaviri ava vakazonosangana nemusi weMugovera wakadarika apo vakatanga kunhuhwa tsvina nekuita manyoka asingaperi,” anodaro.
Muridzi wemukadzi anoenderera mberi: “Pakatanga vanhu ava kurwara, ndakadzokera kun’anga iyi ikanonditi musungo wedu waiva wabata ichinditi ndirwo runyoka. Vakanditi ndidzokere ndinotaura nemukadzi wangu nechikomba apo ndakanovaona vakabvuma nyaya yavo.
“Ini ndinotoda kuripwa chete nekuti ndikasiyana nemukadzi uyu ndine vana vaviri naye saka mhuri yangu inosara ikatambura,” anodaro Nyamande.
Zvichakadai, Mambo Chihota VaRaphael Chigodora, vanoti nyaya iyi inofanirwa kusvika mudare ravo yotongwa pane kuti vanhu ava vanoda kuripana vari voga.
“Ndiri kutarisira kuti nyaya iyi ichapinda mudare rangu nekukasika, kana vasina kuuya kuzoimhan’ara ndichatuma nhume kwavari kunoongorora mafambiro airi kuita nekuti hatidi varume vanoparadza dzimba dzevamwe,” vanodaro mambo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey