Simudzirai zvidzidzo zvemitambo: Dokora

12 Aug, 2016 - 00:08 0 Views
Simudzirai zvidzidzo zvemitambo: Dokora VaDokora

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvidzidzo zvemitambo zvinofanira kukosheswa sezvinoitwa zvimwe zvakaita seMathematics neScience sezvo vamwe vana vachikwanisa kuzowana raramo kubva mazviri mune remangwana.

Vakataura mashoko aya nguva yadarika pamakwikwi egorofu, eEnd of year Rural and High Density School Golf Tournament, ayo akaitirwa kuWarren Hills Golf Club, muHarare.

“Mitambo inofanirwa kukosheswa sezvo iri nzira yekusimudzira matarenda evana vechikoro nekuti vamwe vanozowana chouviri mune remangwa nematarenda aya.

“Mutambo wegorofu hausi wevanogara mutaundi, kwete, ngatisava nerusarura kune avo vanodzidzisa mutambo uyu. Ngatisimudzirei zvikoro zvekumaruva,” vanodaro Dr Dokora .

Vanoti kudzidziswa kwemitambo yakadai zvizere kunoenderanawo nechirongwa chekuvandudza dzidzo munyika. Dr Dokora vanotenda masangano akasiyana ayo anosanganisira Centre for Training and Research Services (Pvt) neMabikacheche Rural and Urban Sports Promotion nekusimudzira kwaari kuita zvidzidzo zvemitambo muzvikoro.

“Ndinoti rambai makadaro nekusimudzira mutambo uyu. Kunyanya kuzvikoro zvekumaruva, vanofanirwa kufambirana nezviri kuitwawo nezvikoro zvemutaundi munyaya dzezvemitambo,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey