Tava kutora matanho: Dr Chonzi

07 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Tava kutora matanho: Dr Chonzi Dr Chonzi

Kwayedza

MUKURU kubazi rezveutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti vava kuzotora matanho zvichitevera kuwanda kuri kuita masalon ari kushanda zvisina hutsanana achiisa utano hweveruzhinji panjodzi.

“Nekuda kwekunetsa kweraramo, vamwe vave kungovhura masalon pose-pose vasina magwaro, nepasina kukodzera. Izvi zvine njodzi yekutapuriranwa kwezvirwere kuvanhu, hatizvikurudzire nekuti vanhu vanofanirwa kunge vaine mapepa akakwana ekuvhura masalon,” vanodaro Dr Chonzi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Masalon anofanirwa kunyoreswa zviri pamutemo uye panzvimbo yacho paine mvura yemupombi nemabhini ekurasira vhudzi kana mawigi. Vacho vanogadzira misoro vanofanirwa kunge vaine ruzivo nemagwaro ekuratidzawo kuti vakadzidzira basa racho.”

Vanoti zvirwere zvinotapurirwa nezvigero, kiroshi kana tsono kana zvichinge zvisina kucheneswa nemazvo zvinosanganisira dermatitis iyo ine chekuita neganda.

“Vanhu vane makanda akasiyana-siyana uye dermatitis chirwere cheganda chine zviratidzo zvinosanganisira kuomarara kweganda, kuvava kwaro, matuzu nekuzvimba kusinganzwisisike. Zvimwe zvirwere zvinogona kutapuriranwa musalon utachiona hweHIV neHepatitis B,” vanodaro Dr Chonzi.

Vanoti rimwe revhudzi riri kugerwa vanhu riri kurasirwa pose-pose kana mumachemba ezvimbuzi ropedzisira ravhara mapombi anofambisa tsvina.

“Vhudzi rakagerwa nerinorukwa zviri kurasirwa zvakaita semuLake Chivero zvinova zviri kusvibisa mvura yatinoshandisa. Mishonga yacho yekuti mvura icheneswe ibasa, zvichireva kuti masalon anotounza matambudziko ekuremedza homwe yemari inoshandiswa kutenga mishonga inochenesa mvura,” vanodaro.

Vanoti parafini haiuraye utachiona sekufunga kwevamwe vanogera misoro.

“Parafini inoshandiswa nevamwe kurodza mazino ezvigero asi havasi kutogona kuishandisa kwacho nekuti ine kupisa kwainofanirwa kunge ichitwa.

“Asi vanogera vanongonyika miromo yezvigero nekutya kupiswa nayo, kuuraya utachiona pachigero saka kiroshi kana tsono zvinofanirwa kuiswa mumuchina une Utraviolet light iro rinonyatsopisa,” vanodaro Dr Chonzi.

Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezveutano, Dr Edwin Muguti, vanoti zvakakosha kuti kanzuru yeHarare itore matanho akasimba ekugadzirisa matambudziko ari kukonzerwa nemasalon ari kushanda zvisina mvumo.

“Masalon inzvimbo dzinoendwa neveruzhinji saka utano ngauchengetedzwe sezvo zvichibatsirawo kuderedza kupararirana kwezvirwere,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey