Tezvara oshinha nemuroora ‘. . . vakandipfimba panhare’

27 Nov, 2021 - 10:11 0 Views
Tezvara oshinha nemuroora ‘. . . vakandipfimba panhare’ Mambo Saunyama

Kwayedza

Liberty Dube
MURUME wekwaMambo Saunyama, kuNyanga akaripiswa mombe nhatu nedare rashe weko mushure mekubatwa nemhosva yekushinha nemuroora wake.
Murume uyu, uyo angozivikanwa saMukono, svondo rapera akamiswa mudare raMambo Saunyama ndokubvuma mhosva yake yekushinha nemuroora wake, Chipo Matimba.
Mambo Saunyama vanotsinhira nezvenyaya iyi, iyo yakaitika kwaSabhuku Mukono.
“Mukono akaudza dare kuti akachiva Matimba, ndokumupfimba nenzira yekumutumira mashoko erudo panhare uye nekumufonera. Vaviri ava nekufamba kwenguva vakazotanga kuenda pabonde vose.
“Vanoti vakashinha vose kanokwana katatu kunzvimbo dzakasiyana idzo dzinosanganisira muimba yekubikira nemusango. Izvi zvinonzi zvakaitika pakati pemwedzi waNdira naMbudzi gore rino,” vanodaro Mambo Saunyama.
Gure iri rinonzi rakazobuda pachena apo mudzimai waMukono akaona tsamba dzerudo munharembozha yemurume wake idzo dzaitumirana vaviri ava.
Imwe yetsamba dzerudo pakati patezvara nemuroora wavo yaive yakanyorwa kunzi, “Ndiri kukufunga zvakanyanya mupfungwa nedangariro”.
Mudzimai waMukono anonzi akabvunza Matimbe nezvenyaya iyi uyo anobvuma kuti anodanana natezvara vake.
Matimba akazobva pamba pake ndokuenda kunogara nemuvakidzani achimirira kuenda kudare ramambo.
“Takaripisa Mukono mombe nhatu nekusvibisa kwaakaita dunhu redu. Aya makunakuna atisati takambonzwa. Hatitendere hunhu hwakadai uye tinoranga zvikuru vanhu vane maitiro akadai.
“Kuita bonde musango mamwe makunakuna zvakare atisingade kuona ayo anoripiswa mombe imwe,” vanodaro Mambo Saunyama.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey