Uncategorized

Tezvara vorikita muroora nechamboko

13 Aug, 2022 - 13:08 0 Views
Tezvara vorikita muroora nechamboko Chamboko

Kwayedza

Lovemore Kadzura

MHURI yechidiki yekwaMakoni kwaRusape yagumisira yanopotera kumusha kwasadunhu weko nemwana wavo mucheche ane mwedzi gumi yekuberekwa mushure mekunge vadzingwa pamba nababa vavo zvichitevera kusawirirana panhau yemabasa epamba.

Baba ava, VaErum Zumba, vemumusha wekwaMasvosva, kwaMambo Makoni vari kupomerwawo mhosva yekurova muroora wavo Zvikomborero Gunda (19) uyo akaroorwa nemwanakomana wavo Tashinga ane makore 21 okuberekwa vachishandisa chamboko.

VaZumba vari kupomerwawo mhosva yekutora midziyo yaZvikomborero vachibva vaiendesa kumba kwevabereki vake kuWedza.
Zvikomborero anoti tezvara vake havakwanise kugarisana nemhuri yechidiki iyi.
Anoti vakadzingwa pamba paVaZumba husiku.

“Hatisi kugara tichinzwisisana navatezvara vangu. Vanotishungurudza. Tinogara kumba kwavo, asi tine minda yakasiyana. Isu hatishandisi imba yekubikira imwe chete navo.

“Vanoda kuti tishande muminda yavo uye patinodaro, vanotitorera goho rose vachitisiya tisina chinhu. Patinenge tava kushingirira kuita zvekumunda kwedu, vanobva vati tibve pamba pavo.

“Vakambotora mbatya dzangu ndokuhaya motokari vakanodzikanda kunze kwemusha wevabereki vangu kuWedza. Vakatumira mashoko kuna baba vangu kuti vauye vazonditora vachiti handikodzere kuita muroora wavo.
“Manheru eChishanu chapfuura, vakakanda zvinhu zvangu kunze kwemba ndokundirova nechamboko.
“Murume wangu paakadzoka kumba achibva kunoita mamwe mabasa, vakatindandanisa vakabata mbezo. Takatozopotera kumusha kwasadunhu, ndiko kwatava kugara,” anodaro Zvikomborero.
Mashoko ake anotsinhirwa naTashinga achiti pane ropa rakaipa pakati pake nababa vake.

“Zvinogona kudaro paine mweya yakaipa. Hatisisina kusununguka kudzokera kumba nekuti kuchengetedzeka kwedu hakuna vimbiso. Ndava kutsvaga basa kunopihwa pekugara kuti nditangezve upenyu hwangu hutsva,” anodaro Tashinga.

Sadunhu Masvosva, VaJoseph Rubaya, vanotsinhira nyaya yekupa vaviri ava pekurara vachiti vakaripisa VaZumba mbudzi nemhosva yekupinda muimba yekurara yemuroora wavo.

“Tiri kubatsira vaviri ava kuti vawane imwe nzvimbo yekugara. Mwedzi mina yadarika, Zumba akamira pamberi pedare rangu mushure mekunge atora zvinhu zvaZvikomborero ndokunokanda kumusha kwevabereki vake kuWedza. Munguva pfupi yapfuura, vaviri ava vakauya kumba kwangu pakati pehusiku vachitsvaga pekugara.
“Zumba akakumbira ruregerero kuna Zvikomborero nababa vake,” vanodaro Sadunhu Masvosva.
“VaGunda vakati vanoda kuripwa nemombe kubva kunaZumba inova yakatoendeswa.”

Vanoti vanofungidzira kuti VaZumba havafarire Zvikomborero semuroora wavo nekudaro vave kushandisa nzira dzechikiribidi kumudzinga pamusha.

Zvisinei, VaZumba vanopomera mwanakomana wavo mhosva yekuti vatadze kugarisana zvakanaka pamusha.
“Pane dzimwe nyaya dziri kuitika dzamusinganzwisise. Mwana wangu andifuratira. Ndakakumbira ruregerero kudare rasadunhu uye pamwe ndini ndinofanira kusiya musha kwavari nditsvage pamwe pekugara.
“Kumuendesa kuchikoro kwaindinetsa. Ndakamutsigirawo kuti awane rezinesi rekutyaira reClass Two. Iye zvino ava kuti akanditengera chigayo pamwe nekuhodha girosari remuchitoro.

“Mwana wangu nemudzimai wake vari kundipomera huroyi. Ndava kutorwa semunhu ari kurasika njere nekuda kwezviri kuitika pamusha pangu. Pachivanhu, ndakakanganisa kurova muroora wangu uye ndakaripa zvitadzo zvangu.

“Ndinoda kuti vadzoke kumusha, asi vari kuramba kudzoka vachiti vakawana basa kumwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey