‘Tinoda maticha emutauro wedu’

07 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Tinoda maticha emutauro wedu’ Cde Masiya

Kwayedza

Tawanda Mangoma ari kuChiredzi
VAGARI vekumaruwa eSengwe, kuChikombedzi, mudunhu reMasvingo, vari kukumbira bazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuti risaendese varairidzi vasingazive mutauro weShangani uku vachiti izvi zviri kukanganisa budiriro yefundo yevana veko.

Izvi zvinotevera kutambirwa kwakaitwa nehofisi yedzidzo yekuChiredzi District maticha achangobva kupinzwa mabasa avo vakaendeswa kuzvikoro zvakasiyana mudunhu iri.

Cde Denford Masiya, avo vanova mumiririri weChiredzi East mudare reParamende, vanoti hazvina kunaka kuti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari riendese varairidzi vasingakwanise kutaura Shangani zvachose, asi paine vamwe vakadzidzira huticha vemudunhu ravo avo vasina mabasa.

Vanoti munguva inotevera, dunhu ravo richaramba kutambira maticha anenge asina ruzivo pamusoro pemutauro weShangani.

“Maitiro akadai haatenderwe kunyangwe pasi pemutemo webumbiro renyika. Hofisi inoona nezvekupinzwa basa kwevarairidzi inofanirwa kutora matanho ekuti vadzidzisi vakadai vasaunzwe mudunhu rino. Gurukota redzidzo rakataura kare pamusoro penyaya iyi.

“Kana hofisi yepadistrict ikatadza kuzviona – uyo unova mutoro kunharaunda – musamboratidze mudzidzisi akadaro chikoro chenyu, imba nezvimwe zvakadaro asi kuti muratidzei mugwagwa wekudzokera kwaanenge abva kudistrict office,” vanodaro Cde Masiya.

Mashoko avo anotsinhirwa nadirector for the Centre of Cultural Development, VaHerbert Pikela, vachiti vana veEarly Childhood Development (ECD) vanoda varairidzi vane ruzivo rwakadzama rwerurimi rwaamai urwo rwavanoshandisa mukutaura mazuva ose.

“Mutauro wekudzidzisa vana veECD rurimi rwaamai, hapana kudzidza kunenge kuripo kana mwana asinganzwisise mutauro unenge uchishandiswa nemurairidzi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Pane mufungiro une vakawanda wekuti vana vose vanonzwisisa mutauro weShona. Ini ndakazodzidza kutaura Shona ndave Grade 3 uye zvatakasangana nazvo panguva yatakadzidza kumakore ekuma1980 hazvifanire kuramba zvichisanganikwa nazvo. Vana vedu havafanire kushungurudzwa mupfungwa pasina mhosva yavakapara.

“Haizi nyaya yekuti mumwe munhu apinde basa, asi kudzidza kune pundutso kuvana vedu vasina chavanoziva.”

Chiredzi District Schools Inspector, Mai Petronela Nyange, vanoti chirongwa chekupinzwa basa kuri kuitwa maticha chakabvumidzwa nebazi rinoona nezvehomwe yenyika uye varairidzi ava vari kupinzwa mabasa kuHarare.

“Kupinzwa mabasa kwamuri kuona uku kwakabvumidzwa nebazi rezvehomwe yenyika uye muzinda wezvedzidzo ndiwo uri kuona mafambiro ari kuita zvinhu. Saka tagara tichikumbira kuti vapinzewo mabasa varairidzi vanotaura mitauro yedu apo vakabvuma kupinza mabasa ekuticha pane vanhu vatakange tavapa avo vari mumagwaro edu.

“Saka pari zvino tine vanhu vakapinzwa mabasa vanogara muChiredzi uye tave padanho rekuongorora kuti ndeipi mitauro inoshandiswa muno yavanokwanisa kutaura tisati tavaendesa kuzvikoro,” vanodaro.

Mai Nyange vanoti pakupinzwa basa rehuticha, panotariswawo kuti munhu wacho akafundira basa racho here.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey