Tsumo nemadimikira namukanya

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Mweni haapedze dura.

Kubatsira munhu ari kudarika nepamba penyu hakuite kuti musare musisina zvekudya kana kuti mupererwe nezvekushandisa.

Zvekuita: Chii chinonzi dura?

 

Mhinduro: Dura imba inochengeterwa zvekudya kana zvichinge zvakohwehwa kumunda.

* * *

Svondo rino:

Chaitemura chave kuseva.

Tsumo iyi inoreva kushanduka kwezvinhu muupenyu. Mumwe munhu anogona kunge aive murombo zvekushaya chekudya sadza nacho zvekuti aipedzisira oita rekutemura. Asi iko zvino anenge ave kudya achisevawo mumuto.

Zvekuita: Kutemura kuita sei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey