Vakadzi vaitamba vari musvo

04 Mar, 2016 - 03:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vekwaMurambinda Growth Point, kuBuhera, vanonzi vakaita chipatapata husiku hwemusi weChishanu svondo radarika pamberi vachimhanyira kunoona vakadzi vaitandadza vanhu mune rimwe bhawa vachitamba vari musvo apo vaivheyesa zvipfeko zvavo zvemukati mudenga.

Vanhu vakaenda kunoona mashura aya vanonzi vakatadza kukwana mune rimwe bhawa repo sezvo rakazara kusvika nepamusiwo vamwe vakamira kunze vachidongorera nemumahwindo zvisinei kuti kupindamo kwaibhadharwa.

Vakadzi vechidiki ava vanonzi vaitamba vachikanda zvipfeko zvavo zvemukati mudenga pamwe nekuita zvidavado.

Mumwe wevakaona chiitiko ichi, Silas Chikwekwete, anoti vakasara vasina remuromo.

“Hakuna akasara mumba apo kuma9 husiku shoko rakafamba richiti Murambinda yava Sodhoma neGomora. Hatina kumbobvira takaona zvakadaro muno, varume vaivapo vakawudyura maziso vachiona mashura aya,” anodaro Chikwekwete.

Manenji aya akazonzwikwa nemumiriri weBuhera West mudare reNational of Assembly, Cde Oliver Mandipaka, avo vakasvika panzvimbo iyi vachibva vazozivisa mapurisa eko.

Vachitaura neKwayedza svondo rino, Cde Mandipaka vanoti vakashamiswa zvikuru nenyaya iyi.

“Ndataurirwa nyaya iyi ndakaendako ndokusvika kumapurisa. Vasikana ava vanonzi vaikurura zvipfeko zvemukati mubhawa rakazara varume nemamwe madzimai, vachisimudza mudenga nekuzvitenderedza ivo vasina kupfeka. Zvadaro, vakabva vasungwa vakabvisiswa mafaindi nemapurisa ekukamba yeMurambinda,” vanodaro.

“SaMP wekuno anomirira vanhu vane tsika dzechivanhu dzakanaka, handina kumboda kumirira kuti zvinhu zvakadaro zviregwe zvichiitika. Tine hunhu nechivanhu chatinofanirwa kudzivirira rudzi rwedu sevanhu vatema.

“Kune vamwe vemabhizimisi kungava kudunhu rangu ndinoti vasambofa vakaita tsika yakadai iyi nekuti mutemo unovaranga,” vanodaro Cde Mandipaka.

Pachikwata chevakadzi vaitamba ava panonzi pane mumwe anozviti Lady Jiga naNikita uye vaive nemaposters avo aivashambadza akanzi Strawberry Lips Stripp Tizz.

“Ishungu dzangu kuti madzimambo emuno muBuhera vapote vachitonga vemabhizimisi vanoshevedza vanhu vakadai naivo vatambi vacho vovaripisa,” vanodaro Cde Mandipaka. Mambo Chimombe, VaCausemore Chimbombe, vanoshora zvikuru tsika yevanhu vanotamba vasina kupfeka ava vachiti vanokanganisa tsika dzechivanhu.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Luxson Chananda, pavakabvunzwa nezve nyaya iyi vakati vanoda nguva yekutsvaga kuti yakambofamba sei.

Zvakadaro, gore rapera pane vakadzi nevarume vakasungwa nemapurisa kwaMverechena, kuDomboshava, mushure mekunge vatamba pane rimwe bhawa vari musvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey