Uncategorized

Vamwe vakamhanyiswa nenyoka mbiri pamasowe

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Vamwe vakamhanyiswa nenyoka mbiri pamasowe Madzibaba Elias vachiratidza pakarwira nyoka.

Kwayedza

Madzibaba Elias vachiratidza pakarwira nyoka.

Madzibaba Elias vachiratidza pakarwira nyoka.

MAPOSITORI veJohane Masowe weChishanu avo vaiva vakaungana kwaSeke pedyo nekuUnit L, kuChitungwiza, vanonzi vakazoita bararamhanya vachitiza apo vakasvikirwa nemikweshwa yenyoka mbiri dzerudzi rwemhungu dzikatanga kurwira pamasowe.

Izvi zvakaitika kuri kumangwanani nguva pfupi yadarika apo mapositori aya ainge amukira kunoita miteuro pasowe riri pakati pezvikomo zviri kwaDhiza, pedyo nerwizi Duri.

Nyoka idzi dzinonzi dzakazongoonekwa dzichirwisana pamasowe apa zvekuti hapana anoziva kwadzakabva nako.

Mukuru wesowe iri – Madzibaba Elias Gomwe (44), avo vakambobuda muKwayedza gore rapera nenyaya yekudzura vanhu mazino vachishandisa mawoko avo pasina dziviriro yekutapurirana zvirwere – vakambotanga vachiramba nezvenyaya iyi asi ndokuzobvuma kuti yakaitika pava pashure.

“Nyaya iyi inogona kundisvibisa nesowe rangu vanhu kuguma vave kutya kuzobatsirwa pano. Imi vatori venhau munonyora nepasipo tinokuzivai.

“Zvakaitika neChina svondo rakapera apo tainamata, inyaya inoshamisa nekutyisa. Takamukira kuma6 apo takasangana nemaminimini aya.

“Asi zvemanenji zvakatanga neChitatu chacho apo takasvika pasowe tikawana paine huku chena yaiva yakauraiwa yakabaiwa nepakati nebakatwa kubva pachipfuva kusvika kumusana, banga racho richibva ranobairirwa muvhu. Huku iyi yaiva nenhengo dzakakwana, yakaiswa chuma chitema, chitsvuku nechichena muhuro nemumakumbo.

“Mumativi mayo maiva makaiswa zviyo uyewo pasi pakamwaiwa ropa sowe rose,” vanodaro.

Huku iyi nebakatwa racho nezviyo vanoti vakazonozvikanda mudziva murwizi Duri.

“Sevanamati, nyaya yemiedzo iyi yaiva yaonekwa kare, kunzi pachaita kushereketerwa pasowe. Mushure menyaya yehuku iyi, neChina chacho, ndipo pakazouya nyoka dzichirwa. Takazongonzwa mumwe watinonamata naye oshevedzera kuti, ‘Nyoka, nyoka!’. Tose takabva tadzvamuka tichitiza ndokuona mhungu dzichirwa pamatombo aripo,” vanodaro Madzibaba Elias.

Vanhu vaiva pasowe iri, iro rinonzi rakatanga kupera kwaZvita gore rakapera, vakadzvamuka vachitiza vakananga kwakasiyana.

Madzibaba Elias vanoti ivo nevamwe varume vaivapo vakatanga kupotsera nyoka idzi nematombo nemabinyi.

Vamwe vevaivapo vanosanganisira Madzibaba Silas Nduna (38), Madzibaba Kholisani Sibiya (45), naMadzibaba Fungai Nhira (34) avo vanotsinhira nyaya iyi.

Madzibaba Nduna vanoti pavakaenda kwairwa nyoka idzi, imwe yairatidza kukurira imwe yakabva yatiza yakananga nekurwizi ndokusara vachiuraya imwe yacho.

“Nyoka idzi dzaiva mhungu nenyamafingu uye dzaiva dzakakura zvakaenzana. Dzairumana zvaityisa nekuumburudzana, handina kumbobvira ndakaona nyaya inotyisa kudaro.”

Madzibaba Elias vanoti vakanokanda nyoka yavakauraya murwizi.

“Nyoka iyi yafa, takazonamata mweya ikasvika kuvanhu vane chitsama tikaudzwa kuti tinokanda nyoka iyi mudziva munaDuri uko takanga tambokanda huku, bakatwa nezviyo zvatakange tawana pamasowe,” vanodaro Madzibaba Elias.

Zvose izvi zvisati zvaitika, Madzibaba Elias vanoti pamhararano yemugwagwa unobva kumba kwavo kwaDhiza uchienda kumasowe vakawana pakapunzirwa hari dzevhu nemazai mabishi, paine machira matsvuku aiva akabairirwa tsono.

“Ndaimbonamatira kusowe rekuRiverside, kwaMakoni, uko ndakabva zvakare ndichirwisana nevamwe vanamati avo vaindishandisira mishonga yechivanhu kuda kundikuvadza. Ndaiwana pamasowe pakaiswa ropa, mishonga, pakapunzirwa hari, pakabairirwa mapanga netsvimbo muvhu. Ndakabva ndikauya kuno uko ndave kuitirwa masaramusi akadai zvakare.”

Madzibaba Elias vanoenderera mberi vachiti: “Zvino pano handibve, ndichataura naMwari wangu kudzimara zvanaka. Sowe iri ndakaripihwa nevakuru vemuno muChitungwiza asi kune vamwewo vanorida. Izvozvi ndiri kupwanya matombo nekuaboora kuti iite nzvimbo yakatambanuka.

“Tichinamata husiku pane vamwe vanouya mumakomo akatikomberedza vachiita chivanhu nekunamata, ndivo vatinofungira panyaya idzi.”

Madzibaba Elias vanoramba nyaya iri kutaurwa nevamwe yekuti nyoka idzi dzaiva dzabva muzvikomo zviripo vachiti dzine chekuita nemabsa ehuroyi.

Padyo nesowe iri pane guva remunhu akavigwa mugore ra1965 anofungidzirwa kuti aiva mumwe wemadzimambo ekwaSeke.

“Rinda riripo padyo zvikuru nesowe redu. Asi zvakaitika izvi hazvinei neguva iri, huroyi chaiho kurwisana kwedu semapositori.

“Kubva pakaitika chiitiko ichi takanzi nemweya tigare mugomo muno pamasowe kwenguva inodarika mazuva 90. Tinodzokera kumba tichidzoka tichirwisana nemashura aya.”

Vobvunzwa nezvenyaya yekuti kune vanamati vanoita zvemishongam, Madzibaba Elias vanoti vakawanda zvikuru vanodaro.

“Variko maporofita vanobata mishonga yechivanhu vachiroya kudarika varoyi vamunoziva. Ndivo vanosanganisa chiporofita nehun’anga. Hazvina mhosva kuti kumapositori kana kuti kupi, mumachechi muri kuroyiwa vanhu kudarika vasinganamate,” vanodaro.

Mambo Seke pavakabvunzwa nezvenyaya yesowe riri padyo neguva rinonzi ndere mumwe wemuhumambo hwavo, vakati vanoda nguva yekumboongorora nyaya iyi.

Zvakadai, vatori venhau veKwayedza vakambosvika pane mumwe musha uri kuDomboshava vakatambirwa nenyoka iyo vakauraya.

KwaMurehwa zvakare, Kwayedza yamboitawo mahwekwe nenyoka mbiri dzairwa pane mumwe musha idzo dzakazourayiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey